Japan yovakisa chikoro. . . yakanyorerana chibvumirano che$81000

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Japan yovakisa chikoro. . . yakanyorerana chibvumirano che$81000 Ambassador Yoshi Tendai Hiraishi (kurudyi) vachinyorerana chibvumirano naVaAlbert Mazula (vechipiri kubva kurudyi) chekushanda pamwe chete mukusimudzira chikoro cheChishayabvudzi Secondary, kuChegutu nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
MUMIRIRI weJapan muZimbabwe, Ambassador Yoshi Tendai Hiraishi vanoti nyika yavo yakazvipira kusimudzira dzidzo yemuno. Vakataura mashoko aya pachikoro cheChishayavhudzi Secondary School, kuChegutu, nguva pfupi yadarika apo vakanyorerana chibvumirano nesangano reAfrica Book Development Organisation (ABDO) chemari inodarika $81 000 yekuvaka dzimba dzekudzidzira pachikoro ichi.

“Nyika yeZimbabwe, sedzimwe nyika, ichiri kuda kusimudzira dzidzo, kunyanya takatarisana nezvikoro zvesekondari. Izvi zvinogoneka chete kana pachivakwa zvikoro zvekuti vana vadzidzire uye vachiwana zvekushandisa zvakakwana.

“Zvinoratidza kuti muno munyika nyaya yekuvakwa kwezvikoro haisati yazadzikiswa sezvo pachiine zvikoro zvakawanda zvichiri kuda kuvakwa nekuvandudzwa. Izvi hazvisi muZimbabwe chete asi nekune dzimwewo nyika,” vakadaro.

Ambassador Hiraishi vanoti zvakakoshawo kuti vadzidzisi nevabereki vashande pamwe chete mukuvandudza dzidzo munyika.
Mukuru weABDO, VaAlbert Mazula, vanoti sangano ravo rine donzvo rekusimbaradza dzidzo muZimbabwe, kwete kuburikidza nekupa mabhuku chete, asi kuti chero nepekudzidzira pacho.

“Vana pano madzidziro avo anga asina kunyatsomira zvakanaka nekuti pane imwe nguva yavaitombodzidzira pasi pemiti.
“Pari zvino vanga vava kushandisa mimwe midhuri yevana vepuraimari.

“Kurudziro yedu ndeyekuti vabereki vakoshese rubatsiro rwakadai nekuti zviri kuitirwa vana vavo. Vanofanira kuona kukosha kwazvo kuti hurumende yekune imwe nyika iri kuuya ichipa rubatsiro muno. Naizvozvo vabereki ngavauyewo vachibatsira chero nekuchera mvura zvayo mukuvakwa kwechikoro ichi nekuti zvinosimudzira dzidzo munharaunda yavo,” vakadaro.

Vanoti sangano ravo richatenga zvakare zvigaro zvevadzidzi pamwe nekuwedzerawo mabhuku ekuverenga.
District education officer weChegutu, Mai Petronella Nyangwe vakatenda zvikuru rubatsiro urwu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey