Karinge atiza musha

18 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
Mubvunzo nemhinduro yesvondo rakapera

MUSEVE USINGAPOTSE

Honzeri yematambudziko: (Enderero mberi) Pondai paanofurira mwana wake kuti auraye Karinge zvinoita kuti azobviswa nzeve nemuseve wakakandwa naTafirenyika aida kumuuraya.

Honzeri yematambudziko ndiPondai nekuti anobva netsori dzehondo kwaMambo Mupambi. Tinozviona paanobva kwaMambo Mupambi aine tsori dzinoti Marizani naKunjerekunjere ndokuvasiya mugomo raMadetswa kuti vazoongorora mafambiro aMambo Chakaingesu vachienda kuninga yavo. Izvi zvakazokonzera dambudziko rekurumwa nenyoka kwaKunjerekunjere vari munzira kudzokera kumusha ndokufa, mudzimai wake akasara ave shirikadzi.

Pondai anovimbisa kuuraya Karinge. Zvinojekeswa paanomuvharira muimba yevasungwa zuva raabva kusango kunovhima usiku achiti aida kuzomuuraya pamwe chete neshamwari dzake dzaaive nadzo sezvo vaive vaurayawo mwanakomana wake. Izvi zvakaita kuti Karinge azotiza pamusha achinopinda muusungwa hwaMambo Tineshungu kwaaive apotera.

4. Ndeapi matambudziko mashanu anowira Pondai ari munzira kuenda kwaMambo Mupambi kusvika pavanozomupa rubatsiro uye anopona sei padambudziko rega rega. Tsigira nerungano rwuri muna Museve Usingapotse. [25]

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

 

(Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level)

SHOKO HARIVHIKWI

4. Tsigira zvizere dingindira rerufu rinoburitswa naAlex Chirumbwana munhetembo dzake dziri muna Shoko Harivhikwi dzinotevera: (i) Mamutora (ii) Rufu rwemhandara (iii) Manditema midzi yangu (iv) Taparadzwa

Mubvunzo watokupai nhetembo dzacho kare, chasara kungoburitsa zvinorehwa nedetembo rimwe nerimwe ramapihwa. Tangai nekudoma pfungwa yerufu mozoipa tsigiro dzinobva munhetembo.

Mudetembo rekutanga rinonzi Mamutora, rufu rwatora upenyu hweshamwari yanyanduri zvaita kuti vasare vasina mufaro sepaanoti, “Mateura ropa nhasi tasuwa.” Nyanduri anorwadziwa nerufu nekuti hakuna anogona kurwudzivisa kana rwouya sepaanoti, “Ko, ndiani angakakavara nazvo zverufu?”

Nyanduri anoshuvira shamwari yake yafa kuti izorore murugare sepaanoti, “Sahwira, famba zvakanaka.” Nyanduri anoti rufu ndirwo nzira inotora upenyu hwedu tese sepaanoti, “Sahwira, isu tiri kutevera.”

Muna Rufu rwemhandara, rufu rwatora muzukurusikana wanyanduri asina mwana sepaanoti, “Mwana wehanzvadzi yangu ungafawo here usina kusiya budzi?” Nyanduri ari kurwadziwa nekuti Sara akauraiwa nevaroyi sepaanoti, “Mwana akaitwa karikiriki nevaya vasingabvaruri machira.”

Nyanduri anoti rufu rwemwana wehanzvadzi yake, Sara rwavasiya vakasuruvara zvikuru sepaanoti, “Nhasi rima rati dhuma kwatiri isu tose.” Nyanduri anoti vanhu vakauraya Sara vachatorerwawo upenyu nerufu sepaanoti, “Zivai kuti nemi muchatevera ikoko kwakaenda Sara.”

Mudetembo rinonzi Manditema midzi yangu, baba vanyanduri vafa vatambudzika neurwere kwenguva refu sepaanoti, “Vakazofa hosha yangova ndambirira kwemakore matatu.” Rufu rwakambotorazve upenyu hwaamai vanyanduri sepaanoti, “Vakatanga kutungamira ndimai.”

Rufu rwatora vabereki vanyanduri vese zvaita kuti ashaye achazomurayira sepaanoti, “Ndava nherera, inosara isina anoraira.”

Muna Taparadzwa, rufu rwunoburitswa rwuchiuraya vanhu vakawanda panguva imwe chete sepanonzi, “Vanhu makumi mashanu nevaviri vakaparara.” Nyanduri anoti rufu rwakauraya mutyairi webhazi rakaita tsaona sepaanoti, “Naiye muchairi webhazi akanga aenda kwamupfiganebwe.” Nyanduri anojekesa mafiro akaita vamwe vanhu patsaona iyi mushure mekunge vatsva nemoto ndokushaikwa sepaanoti, “Vamwe vakatsviramo, vakatsakatikiramo.”

Sarai muchiita tsvakurudzo yemubvunzo unotevera:

5. Sarudza nhetembo shanu dzakanyorwa naUshehwedu Kufakurinani dzine dingindira renyunyuto dziri muna Shoko Harivhikwi. Zvino chitsanangura zvinhu zvaanonyunyuta nezvazvo kubva mudetembo rega rega rawasarudza. [25]

Ndinokupai mhinduro yacho svondo rinouya.

(Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level Revised Edition).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey