‘Koshesai mabasa emawoko’

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa naTafadzwa Mutsotso
ZVIKORO zvinokurudzirwa kuti zvikoshese zvidzidzo zvemabasa emawoko sezvo izvi zvichifambirana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset. Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera nemukuru wedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Chamunorwa Kateera, pakupihwa mibairo kuvana nezvikoro zvakabudirira, eChitungwiza District Merit Awards.

“Senyika, tiri kushanda nesimba kutsvaga nzira dzekuderedza kutambura munyika, kuvamba mabasa, kusimudzira magariro nekuchengetedza chikafu chedu. Bazi redu redzidzo yepuraimari nesekondari riri kushanda kuti rigone zvose izvi nekuzadzikisa zviri muchirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset.

“Kuti tikwanise zvishuviro zvedu izvi, takaisa muNew Curriculum yedu hurongwa hwekuti dzidzo yevana iwande mabasa emawoko anosanganisira kurima, kugadzira zvakasiyana nemasimbi, kushandiswa kwemakombiuya pamwe chete nezvimwewo zvechizvino-zvino”, vanodaro VaKateera.

Vana vechikoro, vanodaro VaKateera, vanofanira kudzidza vaine pfungwa dzekuongorora zvakadzama kuitira kuti vave nemafungiro matsva anounza budiriro mudzidzo pamwe chete nenyika.

Vanoti vana vechikoro nevarairidzi vanofanira kushanda muzvikwata mukutsvaga mamwe matambudziko ane chekuita nenharaunda kana nekusanduka kwemamiriro ekunze.

“Vana vanofanira kupihwa mukana wekusarudza zvidzidzo zvavanoda sezvo zviri izvo zvinozovapa gwara remabasa avanoda kuzoita mune ramangwana ravo. Kudzidziswa kwevana mabasa emawoko nezvechizvino-zvino zvinoita kuti vazokwanisawo kuzviitira mabasa avo voga zvisina kutsvaga basa mumakambani kana kune vamwe vanhu.

“Zvidzidzo zvakaita seAgriculture zvinofanira kusimbiswa sezvo mudzi webudiriro yeupfumi hwenyika yedu kuri kurima. Bazi redu riri kukoshesawo kudzidziswa kwevanhu vemazera ose, kusanganisira vaya vakambosiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Vanhu ava pakudzidza kwavo tinenge tisingachatarisi zvezera nekuti chakakosha pakudzidza kuti munhu ave neruzivo rwakakwana,” vanodaro.

Mashoko avo akatsinhirwa naDistrict Education Officer weChitungwiza, VaBotty Chimhanda, vachiti dunhu ravo riri kushanda nesimba mukusimudzira dzidzo.

“Indasitiri yemazuva ano yava kuda vanhu vane hunyanzvi hwemabasa emawoko. Naizvozvo tava kushanda takanangana nekusimudzira izvi muzvikoro. Vadzidzisi, vabereki pamwe chete nevana vechikoro vanofanira kuisa misoro pamwe kuti zvose izvi zviendeke.

“Ndinoda kutendawo vana vechikoro nekushanda nesimba vachiwana mibairo zvinoratidza kukosha kwedzidzo nekusimudzirwa kwayo munyika,” vanodaro VaChimhanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey