Kuda Mahachi adzifambira nyaya dzacho

30 May, 2022 - 17:05 0 Views
Kuda Mahachi adzifambira nyaya dzacho Kuda Mahachi nemudzimai wake Rose Tatenda Mahachi

Kwayedza

Stanford Chiwanga

MUTAMBI wenhabvu Kudakwashe Mahachi anonzi akadzoka kuZimbabwe asi ave kuhwanda sezvo ari kutyira kuti anogona kuzorangwa nevanhu zvichitevera nyaya yekunzi akapisa zvakaipisisa mwana wake ane makore mana okuberekwa nemvura inofashaira.

Mahachi ari kuramba mhosva iyi uye akatsvaga kambani yemagweta yeTanaka Law Chambers kuti ichenese zita rake.

Anoti mwana uyu akakuvadzwa mushure mekunge asisagare naye.

Mumwe ari kuziva nezvenyaya iyi anoti Mahachi atova nesvondo ari muZimbabwe asi haasi kuda kuti vanhu vazive kwaanogara sezvo ari kutya kuti anogona kuitwa kanyama-kanyama nevanhu.

Zvizvarwa zveZimbabwe, pamadandemutande, zvakaburitsa pachena kushushikana kwazvo nezvinonzi zvakaitwa naMahachi pamwe nemudzimai wake, Rose Tatenda Mahachi, avo vanonzi ndivo vakapisa mwana uyu zvakaipisisa nemvura inofashaira zvikaita kuti apihwe mubhedha pachipatara cheMpilo Central Hospital kwenguva yakwana mwedzi kusvika pari zvino.

Munyori uno haana kukwanisa kutaura naMahachi nekuda kwenyaya iyi sezvo anga asiri kudaira nhare yake uyewo aisapindura zvinyorwa zveWhatsApp.

Gweta raMahachi, VaNkosiyabo Sibanda vekambani yeTanaka Law Chambers, havana kukwanisa kutsinhira kana kuramba kuti Mahachi akadzoka muZimbabwe.

Gweta raMahachi, VaNkosiyabo Sibanda (kuruboshwe) vakambani yeTanaka Law Chambers

“Handikwanise kutsinhira kana kuramba izvozvo.

Ndinosarudza kusapindura mubvunzo iwoyo nekuda kwezvikonzero zvekuchengetedza.

“Chandingakuudza ndechekuti Mahachi haana njodzi yaakatarisana nayo uye akamirira zuva rake mudare.

“Handichataura zvakawanda kudarika izvi,” vanodaro VaSibanda.

Mahachi anonzi akange asingade kudzoka kuZimbabwe asi akaudzwa nechikwata chake cheSuperSport United icho anotambira kuSouth Africa kuti anofanirwa kugadzirisa nyaya yemhosva yaari kupomerwa iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey