Kunoitikira nyaya

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
NZVIMBO nenguva pakuumbwa kwenyaya:

Nyaya iyi iri kuitikira munzvimbo dzakasiyana-siyana dzakaita seSearing Heights, Holiday Inn, Hubert Court, Central Police Station, Mbare, Mbudzi, Harare Remand Prison, Christon Bank, Highlands, Masasa, Plaza Oriental. Nzvimbo dzese idzi dziri muguta guru reHarare, kunze kweGweru.

Searing Heights:

Beaula naStanley vanoonana paSearing Heights votandara vese kupera kwesvondo – Stanley anozosiirwa mari yekuti akwanise kuenda kuGweru kunotanga basa raakanga awana kuBata Company.

Gadhi wepaSearing Heights, Samson, anoita zvechiokomuhomwe opihwa mari navanaVheremu ndokuvasiya vachipinda pamusha uyu asina kuvanyora mubhuku rainyorwa vaenzi – vanobva vapinda mumba maStanley ndokutanga kuvhundunyura zvinhu vachitsvaga mapepa enyaya yekuongororwa kwemari kuC and T Private Limited. Samson anourairwa paSearing Heights nechikwata chaMonya mushure mekunge amutengesa kumapurisa pamwe chete nekukundikana kudzosera mari yaakanga apihwa nechikwata ichi. Izvi zvinoonekwa nevana vechikoro vaigara nzvimbo iyi nedzakapoteredza Searing Heights vanosanganisira Ropafadzo. Stanley anowana pekutangira kutsvaga mudiwa wake, Beaula mushure mekunzwa humbowo hwezvakanga zvaitika Chishanu chatsakatika Beaula kubva kuna Samson anove gadhi akanga ari pabasa zuva iri.

Masasa:

Shamwari dzaBeaula dzinoita tsaona nemotokari dzichibva kubasa kuMasasa kwadzaishanda semaodhita ekunze pakambani yeC and T Private Limited – vanhu vanonetseka zvikuru nenzvimbo yakanga yaitikira tsaona iyi pamwe chete nemapepa ebasa akanga atsakatika munjodzi iyoyi. Stanley anoenda kuMasasa kunotsvaga nhamba dzekumba kwaVheremu husiku – anosvika achiona gadhi uyo akanga ave kumunyima nhamba idzi asi anomutyisidzira kusvikira azoburitsa nhamba dziya ndokuzobvapo oenda kuHighlands kumba kwaVheremu.

Highlands:

Stanley anoenda kuHighlands kumba kwaVheremu ndokusvika achiongorora mamiriro epamusha apa asati adzokera kuSearing Heights kunotora zvombo zvekuti ashandise kuvhura nzira yaaida kupinda nayo pamba apa. Stanley anobudirira kupinda mumba maVheremu zvinoita kuti azoudzwa kwaitambira Vheremu kana achinge asiri pamba kunove kuHoliday Inn. Pamba paVheremu panomboita bongozozo apo mudzimai wake anodzipwa naStanley achida kuti asavhunduke pamwe chete nekushevedzera asati anzwa zvaaida kubva kwaari – Stanley anozotemwawo nemabhodhoro emafuta ndokukuvara zvakaipisisa.

Mbudzi:

Kumakuva ekuMbudzi kunenge kuchivigwa shamwari yaBeaula yainge yaita tsaona ichibva kubasa kuC and T Private Limited – ndiko kunosangana VaMoyo naStanley vachisimbisana kuti Beaula mupenyu uye aizowanikwa zvinoita kuti nyaya ikwanise kufambira mberi pasina kutya kukuru. Stanley anoongorora mafambiro aiita vanaVheremu kubva kumakuva – anobva anyatsovatarisisa vachibva panzimbo iyi achivatevera vakananga kuHoliday Inn kwavaizonoitira musangano wavo zuva rakare manheru.

Holiday Inn:

Stanley anotevera Vheremu achipinda muHoliday Inn ndokuenda naye mubhawa ravaiitira musangano wavo – anonzwa Roby aive pamusiwo webhawa achizivisa Vheremu nezvevamwe vavo obva aziva kuti vaive pamwe chete.

Stanley anosangana naEve mubhawa repaHoliday Inn – zvinoita kuti azoudzwa zvakawanda pamusoro pehukama hwaive pakati paVheremu, Tinashe, Solo, Dusty naRoby. Eve anobatsirawo Stanley kutapa mashoko airongwa pakanga pagere varume vashanu ava – zvinoita kuti Stanley azive kuti vanaVheremu vaida kuenda kuChriston Bank kunotarisa basa ravakanga vasiya varaira kuti rainge raitwa here, pakarepo ndokuzovatevera.

Tinopedzisa nzvimbo nenguva svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey