Kunyora tsamba

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
IYI iyambiro huru kunewe mwana wegwaro rechinomwe, kuti usazoti kana nguva yapera ndipo paunoda kuzomuka kana kuchenjera iwe wambenge wakati zvako pfavava. Ndiko kusaka takati rigamhe richabva hwedza muzvikamu zvakapfuura. Tsenzi yakangwara inogara yakatoteya kare.

Bvunzo rinoita seriri kure asi kwete handizvo. Ritori muberevere izvozvi nekudaro gadzirira kuti zvinhu zvako zvigokufambira zvakanaka.
Ndakataura zvakakwanapamusoro pemhando dzerondedzero kusara kwemhando imwe chete iyo yototarisana nayo muchikamu chino. Gore negore rine zvaro zvinouya pabvunzo asi chokwadi ndechekuti rondedzero inotonyorwa chete uye inoda kugadzirira kwakakwana kubudikidza nekuidzidzira zuva nezuva.

Mhando yerondedzero yatinobatana nayo rwendo rwuno irondedzero yetsamba.
Kune vaya vanotevedzera zvatinotaura vachaona kuti tsamba iri nyore uye ine mamakisi akatiwo patsanurwei zvakaringana zvichienderana nezvakakosha zvinotarisirwa mutsamba yoga yoga.

Tsamba idzi dziri paviri, panoti tsamba yehushamwari (friendly letter) kozouya tsamba yemabasa (business letter).
Kunozoita mhando yechitatu yetsamba inoda kupatsanurwa zvine hungwaru kubva mune mbiri dzandataura pamusoro. Iyi mhando inonzi muchiRungu (social notes).

Apa panodiwa kungonyorwa zvipfupi zvakanangana nechiitiko sekuti pakaita mabiko saka munhu anenge achida kutenda vakokwa vake.
Mhando iyi inoshanda zvakare pakukoka vanhu kumitambo kana mabiko.

Zvinoita kuti vanogadzira bvunzo vati chimbotinyorera mhando iyi yetsamba nekudaro unofanira kuziva chinodiwa pakunyorwa kweiyi tsamba.
Panodiwa kero yetsamba yepari kuitirwa mutambo kana mabiko.

Panoda utaure chinangwa chauri kukokera munhu iyeye.
Panodiwa zvakare kuti umuudze kuti izuva ripi nenguvai dzichava namabiko kana mutambo uyu.
Kana asingazivi nzvimbo yacho iri kuitirwa mabiko zvoreva kuti wotodudza nemafambiro aangaita.

Kana mashoko anoti “RSVP” anodiwa ipapo nekuti anokurudzira munyorerwi kuti apindure kuti anouya kana kwete.
Mazwi aya anoreva kuti pindura (Please respond). Hapana zvimwe zvakawanda zvinodiwa apa.

Zvasiyana netsamba yehushamwari iyo unonyora kero yako chete kutangira pakati pepepa uchienda kurudyi
Paunonyora kero ichidzika, hapadi kana kushandiswa donhwe.

Unofanirwa zvakare kurangarira kudarika mutsetse kana woda kunyora zuva rauri kunyora tsamba.

Kero yako ingamira yakadai :-
Shingirayi Primary School
Post Office Box 9058
Mbare
Harare

24 Kukadzi 2015

Wapedza kero yako unoda kuvamba zvine rukudzo sekuti “Anodiwa Rujeko” kana kungoti “Kuna Pamela”.
Kana zvadai ungachitanga mutumbi wetsamba apo uchataura zvawanyorera tsamba iyi.
Unokwanisa zvakare kubvunza zvaunoda kubvunza sezvehupenyu chaizvo. Rangarira kuti tsamba yako inodawo zvikamu kwete kungoinyora sechinyora chimwe chete.

Zvikamu zvako ngazvirege kurebesa sekunge wonyora rondedzero yengano.
Mwero wetsamba unopihwa asi chikuru kuziva chauri kunangana nacho chakubaya kuti unyorere shamwari kana hama yako tsamba.
Rangarira zvakare kuti pakero hapadiwi mudimburirwa wamazwi (abbreviations) asi kuti unotarisirwa kunyora zvizere.
Kana woisa mhedziso woteramira zvakare. Wonyora zita rako risina repiri (surname) sekuti munhu wawanyorera anokuziva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey