‘Kupfuya mombe ibhizimisi chairo’

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
‘Kupfuya mombe ibhizimisi chairo’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vakakurudzirwa kuti vakoshese basa rekupfuya mombe semamwe mabhindauko ose ekurima nedonzvo rekusimudzira huwandu hwemombe munyika. Kurudziro iyi yakaitwa naexecutive director wesangano reZimbabwe Farmers Union VaPaul Zakariya avo vakati bhizimusi rekupfuya mombe rine pundutso kana rikaitwa nemazvo.

“Kupfuya mombe ibhizimisi chairo rinopa mari zhinji munyika rinofanirwa kutorwa nevarimi zvakasimba.
“Saka varimi ngavasanganise basa ravo rekurima nekupfuya mombe nezvimwe zvakasiyana,” vakadaro VaZakariya.

“Vanoti kune nzvimbo dzakaita sekwaChivi, Buhera nekune mamwe matunhu kunomboita dambudziko remvura yekunaya uko vakakurudzira kuti varimi veko vapinde mubhizimisi rekupfuya mombe.

“Muno munyika medu tinadzo nzvimbo dzakadaro dzinonetsa mvura uko tinorima mbesa diki, kumatunhu aya zvipfuyo zvakaita semombe nembudzi nezvimwe zvinoita zvakanaka zvikuru zvekuti varimi veko vanokwanisa kuita mari yakawanda kudarika yavanowana pakurima zvirimwa,” vakadaro.

VaZakariya vanoti huwandu hwemombe munyika muno dzinodarika zvishoma 5 miriyoni idzo dzinogona kuwedzera kana varimi vakazvipira.
“Tinoona kuti goho rezvirimwa zvedu zvizhinji zvinokwana makumi mapfumbamwe kubva muzana zvinobva kumaruwa, zvimwe chete nezvipfuyo zvakawanda zvinobvawo kuvarimi vadiki ava.

“Asi unoona kuti murimi kana aine mombe dzake 20 anopedza makore mashanu asina kana imwe chete yaanotengesa zvinoreva kuti anogona kufa nenhamo akangodzichengeta vana vachitotadza kuenda kuzvikoro,” vakadaro.

“Mafuro tinawo mombe dzirimo muno, ngatiitei bhizimisi iri rekukodza mombe tichitengesa. Iko kunzvimbo dzakaita seMasvingo, Gwanda, Chiredzi, Mwenezi nekumwe ngatimutsiridzei basa iri munoona kambani yedu yenyama yeCold Storage Company inomuka,” vakadaro VaZakariya.

Vanoti dunhu reMasvingo ndiro rine mombe dzakawanda kudarika mamwe munyika yose.
“Ikurudziro yangu kuti Hurumende itsvage vekubatana navo tomutsiridza mapurazi edu eCSC,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey