Kurima bhinzi nemazvo

22 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Kurima bhinzi nemazvo

Kwayedza

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig
APO mvura yekunaya iri shoma kudai, ndinoziva kuti varimi vazhinji vane shungu dzekurima. Zvisinei, varimi munogona kurima mapfunde emwaka mupfupi, mufarinya, mbambaira, gorosi remvura yekunaya, munyorondega wechibage chemwaka mupfupi, nyemba, maringazuwa kana bhinzi.

Muchinyorwa chino tinoda kubatsirana pakurima bhinzi.

Bhinzi dzinobvuma muvhu rakati simbei zvichienda kune rakasimba. Kuti muwane gohwo rakanaka munokurudzirwa kudyara mbeu yakauchikwa. Mukangotenga mbeu dzemumusika hadzikudzorerei mari yamunenge marimisa nayo.

Munoda mbeu yakauchikwa inokwana 100kg pahekita (100kg/ha of certified seed), inoculant yekuisa mumbeu pamunodyara kuitira kuti ikwanise kuzvigadzirira hudyo hwe”top” (nitrogen). Munoda fetiriza yepasi (Compound D) inoita 300kg pahekita (300kg/h of Compound D). Fetiriza yepasi munogona kuikusha mosanganisa nehara kana kuti munoisa mumutsara mofusira zvishomanana musati madyara bhinzi kana kuti fetiriza inoiswa mumuchina wekudyarisa mbeu.

Bhinzi dzinogona kusaiswa fetereza ye”top” asi ichikurudzirwa zvayo. Top inofanira kuita shoma, nekuti ikawanda inoita mashizha mazhinji ichikupai gohwo rebhinzi shomanana uye inofanirwa kuiswa kusati kwapera mazuwa makumi mairi nerimweche (21 days) kubva musi wakanaya mvura yekumeresa mbesa.

Bhinzi munogona kuridyara nemawoko kana muchina (planter), mutsara kuenda pamutsara munoita 45 kana 60cm mozoti kubva pambeu kuenda pambeu moita 7 kana kuti 5cm.

Bhinzi dzinobatwa netupembenene twakati kuti, tumwe twacho twunoti inda (aphids), makonye (caterpillars), red spider mite, bean stem maggot kana green stink bug. Patupembenene twese utwu, bean stem maggot negreen stink bug nditwo twunouraya gohwo nehunaku hwebhinzi.

Bean stem maggot kakonye kanopinda mugunde rebhinzi kokonzera man’a (kutsemuka kwegunde) pobva pazvimba bhinzi rotadza kukura nekudaro gohwo robva radzikira.

Zvinokurudzirwa kuti bhinzi ripfapfaidzwe mushonga kana kakonye aka kangoonekwa.

Green stink bug kapembenene kanorarama nekumwa muto wezvirimwa, nekudaro bhinzi dzichingotanga kubereka, kagreen stink bug aka kanobva katanga kunwa muto zvekuti panozoibva bvinzi kanenge katokuvadza chirimwa kare.

Ndidzo bhinzi dziya dzekuti pakubika dzinoyangarara pamusoro dzisingaibvi. Mukada kunhonga munoona kuti murasikirwa nebhinzi dzakawandisa muchisara neshoma pakubika. Kugadzirisa dambudziko iri, pfapfaidzai bhinzi dzichangotanga kuita maruva muchidzokorora pasvondo retatu rega-rega.

Bhinzi dzinokohwewa dzangoti omei kuitira kuti dzisaputikire pasi mumunda. Dzinogona kutengeswa kuzvipatatra, kuzvikoro, kumisika yevarimi kana kuti munogona kupepeta moisa mumapaketi motengesa kuzvitoro nemari yakanaka.

. Kuvarimi vefodya, hapana zvati zvasanduka, fodya inoda hutsanana kuti ipe shizha rakanaka. Garai minda yakachena, isina sora, bvisai masakatire epamusoro ose nekuchimbidza uye tyorai fodya neminda yayo moichengeta neminda yayabva.

Kuti gohwo refodya ribude zvakanaka, inoda kutyorwa zvakafanana zvichienderana nekuibva kwayo. Dzimba dzekupisira fodya ngadzicheneswe zvakanatsokwana musati maisa imwe fodya.

Zvakare, yeukai kufesa mbeu yemipiranga nguwa iripo.

. Kuvarimi vemombe, musakanganwe kudhoza mombe nekudzidhibhisa svondo rega-rega.

MAKWIKWI:

Mubvunzo wesvondo rino:

Tipei basa rimwe chete rebhinzi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey