Kurimwa kwedonje kwodzikira

13 Mar, 2015 - 13:03 0 Views
Kurimwa kwedonje kwodzikira

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO reZimbabwe Farmers Union rinoti kurimwa kwedonje munyika kunogona kudzikira zvikuru zvichitevera matambudziko akasiyana ari kusangana nevarimi ayo anosanganisira kudzikira kwemutengo kwakanyanya. ZFU executive director, VaPaul Zakariya, vanoti nyaya yemutengo wedonje iri kunetsa pakuti ivo sesangano rinomirira varimi havachakwanisa kupa maonero avo mutengo wechirimwa ichi usati wadzikwa.

“Nyaya yemutengo wedonje yave kunetsa kuti titaure nezvayo sesangano rinomirira varimi nekuti kune mutemo wakadzikwa mugore ra2013 neveCompetition and Tarrifs Comission uyo unorambidza isu sevamiriri vevarimi kuti titaure nezvemutengo wedonje. Saka zvinoreva kuti makambani anotenga donje ave kuenda kuvarimi vachinotenga donje nemari yavanoda zvichifambirana nekutaurirana kwavo nevarimi. Inyaya iri pachena kuti vemakambani aya vanotaurirana nesangano reCotton Ginners Association of Zimbabwe kuti votenga nemarii ndizvo zvavanozoenda vachimanikidza kuvarimi kutambira,” vakadaro VaZakariya.

Vanoti kare zvaiva zvakanaka zvikuru sezvo vemasangano evarimi vaitanga vapawo mafungiro avo mutengo wedonje usati watarwa.

“Zvino kubva gore rakapera negore rino vanotenga donje ava vari kuita madiro aJojina zvinoreva kuti varimi vachabiridzirwa,” vakadaro VaZakariya.

“Mutengo wedonje uyu wakamboita 12c kusvika 15c pakg mugore ra2008 asi takazoti isu tapindira tichitaura neveCotton Ginners wakazokwira ndokutangira pa30c kusvika 95c. Zvakadaro, ndiko kuya kwatadzokera apo kwaishandiswa mutemo weStatutory Instrument  142 of 2009 saka zvakatooma kuvarimi vedonje,” vakadaro.

Mwaka wapera, donje raitengwa nemutengo weUS$0,29 kusvika US$0,40 pakg iyo varimi vaiti ishoma zvikuru.
Varimi vanorima donje munyika vanonzi vanodarika 350 000.

“Mukatarisa mugore ra2000, donje redu rakaita matani 207 000,  2010 ndokuita matani 267 000, 2011 tikarima matani 250 000, 2012 ndokukwira kusvika matani 350 00 apo taitaurirana pamutengo uyu. Zvakadaro, mutemo uye wazouya 2013, donje rakarimwa rakadzika kusvika matani 145 000 kuchizotiwo 2014 ndokudzika zvakare kusvika matani 135 000,” vakadaro VaZakariya.

Vanoti mwaka uno vanotarisira kudzikira kwekurimwa kwedonje kwakatonyanya kupinda makore adarika.

“Munhoroondo yekurimwa kwedonje munyika muno sesangano tinotarisira kudzikira kunotyisa mwaka uno zvichitevera mitemo yavapo iyi. SeZFU tichasangana nemamwe masangano anomirira varimi torangana kuti tichazoita sei kana nyaya yemutengo iyi yasvika pasipo,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey