Kurimwa kwefodya kwodzikira

25 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
Kurimwa kwefodya kwodzikira

Kwayedza

MINDA yefodya yakatandavara mahekita 28 763 yakarimwa mumwaka uno wa2015 kusvika 2016 zvinorakidza kuderera kana zvichienzaniswa nemwaka wapera apo paive pakarimwa mahekita 36 025.

Kambani yeTobacco Industry Marketing Board (TIMB) yakazivisa kuti minda yakarimwa kusvika parizvino inosanganisira mahekita 14 860 akadyarwa achiita zvekudiridzirwa kuchitiwo mahekita 13 903 ndokurimwa pachishandiswa mvura yekunaya.

Chamangwiza weTIMB, Dr Andrew Matibiri, vanoti izvi zvinorakidza kudzikira kukuru kweminda yakarimwa fodya mwaka uno kana kuchienzaniswa nemamwe makore akadarika.

“Mumwaka wa2014 kusvika 2015 minda yefodya yaiva yakarimwa yaiva yakakura mahekita 36 025 munyika yose iyo yaisanganisira yakarimwa nekudiridzira yaikwana 14 770 neyekunaiwa nemvura yekudenga yaisvika mahekita 21 250.

“Saka zvakadai zvinorakidza kudzikira kukuru kweminda yedu yefodya munyika,” vakadaro.

Ongororo yakaitwa nekambani iyi inotaridza kuti varimi vari kurima fodya zvine mwero vanosvika 48 033.

Kudunhu reMashonaland West ndiko kune varimi vakawanda kudarika mamwe matunhu avo vanosvika 18 764, kuchiteverwa neMashonaland Central kune varimi vanokwanawo 16 555.

Varimi vose vakanyoresa kurima fodya munyika mumwaka uno kusvika nemusi waZvita 3 vaive 69 518. Panguva imwe chete iyi mumwaka wa2014 kusvika 2015 varimi ava vainge vanyoresa kurima fodya vasvika 87 597.

Zvakadai, mukati mevarimi vakanyoresa kurima fodya mwaka uno vatsva i8 865 kana zvichienzaniswa ne16 328 vemwaka wapera.

TIMB yakazivisawo kuti fodya yakatengeswa kunyika dzekunze pasi rose kusvika pakutanga kwemwedzi waZvita aive makgs 146 miriyoni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey