Kusandura mbesa kunobatsira kuvandudza ivhu

25 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
Kusandura mbesa kunobatsira kuvandudza ivhu

Kwayedza

VARIMI vakakurudzirwa kuti vasarambe vachirima mbesa dzimwe chete mumunda gore negore asi kuti vadzisandure sezvo izvi zvichibatsira mukuvandudza pamwe nekusimbisa ivhu.

Kurudziro iyi yakaitwa nenyanzvi yezvekurima, VaJohnson Muzarurwi, vanova agriculture analyst nedonzvo rekusimudzira goho revarimi.

Vanoti zvakakosha kuti kana murimi akarima chibage mumunda gore rapera mwaka uno asandurewo orima zvakaita senzungu mumunda uyu.

“Tine zvirimwa zvakaita setsenza chaidzo, magogoya, madhumbe, nyimo, mapfunde, mhunga, rukweza nezvimwe izvo vazhinji vasingarime zvinogona kuita zvakanaka kuminda yedu. Hatimboedzai izvozvo nekusanduka kwave kuita mamiriro ekunze,” vakadaro VaMuzarurwi.

Vanoti zvakakoshawo zvakare kuti varimi vashande nevarimisi vekumatunhu avo kuitira kuti vazive mbesa dzinoita zvakanaka munzvimbo dzavari.

“Sevarimi tine dambudziko guru rekuti vari kuBuhera vanoda kutevedzera zvavakaona kuShamva uyewo vekuGuruve votevedzerawo vekuKaroi, matunhu aya akasiyana nezvinodiwa ikoko zvakatsaukana,” vakadaro.

“Saka tinoti kuvarimi vedu ngatishandei nevarimisi vedu votizivisa kuti zvirimwa zvinodiwa nematunhu edu nevhu racho pane kungoita chindoendawo,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey