Kuti unzi wanyora zvinonwisa mvura

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga—

KUBHINDAUKA kwose kwatiri kuita kunoshaya maturo kana hwaro hwedu husina kusimba kana kumira zvakanaka. Ndiri kutaura ndakanangana nebasa guru ratiri kuita rekuedza kugadzirisa chiShona chedu maringe nebvunzo richanyorwa munaGumiguru.

Tingapanana zvirungamutauro zvemhando yepamusoro-soro asi kana tisingagoni kuzonyora zvakanaka, mano iwayo anoshaya basa. Tinofanirwa kuziva manyorerwo akanaka asingatitapudzire goho redu pakupera kwegore.

Ndokusaka ndati tichiri kure kudai regedzai tigare tagadzirisa ndima iyoyo zvigotifambira zvakanaka. Tinoda kuti muzvikamu zvitatu zvinotevera tigadzirise nyaya yekunyora kwakanaka kuitira kuti kana tozokanda zvirungamutauro zvedu pazvinyorwa zvakaringana, zvogova muchechetere unokwezva goho rinodadisa kupera kwegore.

Tinoda kuti muzvikamu zvitatu izvozvi tidzidzisane nzira dzose dzinotevedzwa mukunyora zvinyorwa zvakanaka mungava mukupindura mibvunzo kana mukunyora rondedzero. Vana ngavazive zvinotarisirwa nguva iripo kuti vasazopingaidzwa kana bvunzo razosvika.

Vana vazhinji vanosvika pakukundikana kukohwa pakuru nekuda kwekusatevedzera mitemo chaiyo inofanira kutevedzerwa pakunyora ndima dzavo. Mitemo yekunyora inobata zvakawanda kusanganisira shongedzo kana kuti pfekedzo (punctuation), patsanuro nebatanidzo yemazwi kouya kushandiswa kwamavara makuru.

Regai titange nemashandisirwo emavara makuru (capital letters). Tinoshandisa vara guru pakati wandei muzvinyorwa zvedu. Tinorishandisa pose patinotanga kunyora chirevo chitsva.

Vara guru rinodiwa zvakare pakunyora mazita. Ringava zita remunhu kana renzvimbo kana nyika sekuti; Ruvimbo, Zimbabwe, Chikerema kana Save.

Zvinoreva kuti kana munyori akashandisa mavara madiki panzvimbo dzandataura, anodonhedza zvibodzwa kana vakwenyi vebasa voita basa ravo. Mavara makuru anoshandiswa zvakare paya panonyorwa mazwi chaiwo anyakutaura ndokunge tichiisa nyora dzinoratidza mazwi chaiwo anyakutaura (direct speech).

Tinofanirwa kuziva zvakare kuti pose patinyora zvinhu sekunge munhu, tinofanirwa kushandisa vara guru sekuti; Vana Tsuro naGudo vaigadzira zviuni zvehuni. Vara guru rinoshandiswa zvakare pose patinonyora chivakashure chokuremekedza sokuti: VaNyamunyamu kana kuti Sahomwe.

Chimwe chakakosha kuziva kuti vara guru rinoshandiswa zvakare pose panonyorwa mazita aMwari sokuti Nyadenga, Samasimba kana Samatenga.

Kana tave nyazvi dzekushandisa mavara makuru panokodzera, tochiongorora zvine chekuita nepfekedzo (punctuation). Kana tatanga

Endai kuPeji 12

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey