Mabasa evakuru vezvikoro amuka

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Mabasa evakuru vezvikoro amuka

Kwayedza

PUBLIC Service Commission (PSC) inoti ichapinza basa vakuru vezvikoro nevatevedzeri vavo vanosvika 734 kumatunhu eMatabeleland neMasvingo.

Munyori mukuru wePSC, Mai Pretty Sunguro, vakazivisa nezvedanho iri kuburikidza nechinyorwa chakabva kumahofisi avo uye vanoti vanoda kupinda mabasa aya vanofanirwa kunge vanyorera matsamba avo musi wa2 Kurume usati wadarika.

Nzvimbo dziri kuda vakuru vezvikoro nevatevedzeri vavo dziri kuBulawayo, Masvingo, Matabeleland North neMatabeleland South.

Munyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Sylvia Utete-Masango, vanoti bazi ravo ndiro rakaisa chikumbiro chekuti vakuru vezvikoro ava navatedzeveri vavo vapinzwe mabasa.

Vanoti huwandu hwevachapinda basa uhu hwakaringana.

“Vakuru vezvikoro ava vanogona kunge vachienda kuzvikoro zvisina vatungamiriri kana kuti zvine vasingakodzere kuti vakwidziridzwe kuita vatungamiri,” vanodaro Dr Utete-Masango.

“Kazhinji vanopinda basa ava vanenge vakawanda uye ndizvo zvazviri. Izvi zvinodaro nekuti takaita ongororo yezvikoro zvisina vatungamiriri.”

Dr Utete-Masango vanoti mushure mekunge bazi ravo raisa chikumbiro chekuti vakuru vezvikoro ava nevatevedzeri vavo vange vachipinda basa, PSC yakabva yashambadza kuti veruzhinji vange vachizviziva.

“Kuongororwa nekubvunzurudzwa kwevanenge vanyorera vachida kupinda mabasa aya kuchaitwa kumatunhu akasiyana uye mazita evanenge vabudirira ozoendeswa kumahofisi makuru ebazi redzidzo kuti vange vachipinzwa basa,” vanodaro.

KuBulawayo kunodiwa vakuru vezvikoro vanomwe – vana vekusekondari nevashanu vekupuraimari pamwe chete nevatevedzeri vevakuru vezvikoro vana zvakare vekusekondari nevanomwe vekupuraimari.

Chinyorwa chakabva kuna Mai Sunguro chinoratidza kuti kuMasvingo kunoda vakuru vezvikoro 117 vesekondari ne88 vekupuraimari pamwe vatevedzeri vavo 115 vekusekondari nepuraimari.

KuMatabeleland North kune nzvimbo 176 dzevatevedzeri vevakuru vezvikoro vekupuraimari nevashanu vekusekondari.

Kudunhu reMatabeleland South kune nzvimbo 175 dzevatevedzeri vevakuru vezvikoro vekupuraimari. – Bulawayo Bureau.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey