Mabelreign Girls High iri mugwara

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

MUKURU wedzidzo mudunhu reHarare Metropolitan Province, VaChristopher Kateera, vanoti vana vechikoro vanofanira kudzidziswa tsika nehunhu hwakanaka pamwe nenhoroondo yekwavakabva kuti vagove neremangwana rakajeka.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pakupihwa mibairo kwevana vakakunda muzvidzidzo, mitambo nezvimwe pachikoro cheMabelreigh Girls High.

Vakati hazvibatsire kuti mwana ave shasha muchikoro asi asina hunhu hwakanaka.

“Zvakakosha kuti mwana anogona muchikoro ave nehunhu hwakanaka nekuti hapanai munhu anobudirira muupenyu asingakoshese tsika, magariro pamwe nenhoroondo yekwaakabva.

“Dzidzo bedzi haina kukwana pakuumba munhu ane hunhu, nokudaro vana vanofanira kufundiswa hunhu hwakanaka muzvikoro apo vanenge vachiri kukura,” vakadaro.

Vakarumbidza kusimukira kuri kuita chikoro ichi munyaya dzedzidzo vachiti chikamu chevana vakapasa bvunzo dzeO-Level chakakwira kubva pa15,7% muna 2009 kusvika pa55,7% gore radarika.

PaA-Level, chikamu chevana vakabudirira chakasimukira zvakare kubva pa97,6% muna 2009 kuenda pavika pa100% gore radarika.

Vakati budiriro iyi inoratidza kushanda nesimba kwevana nevadzidzisi vepachikoro ichi.

Vakakorokotedza vana vakadadisa pazuva iri ndokukurudzira vasina kubudirira kuti vashandewo nesimba munguva inotevera.

“Vana vechikoro munodadisa, kusimukira kuri kuita chikoro chino munyaya dzedzidzo kunoratidza kuti muri mugwara rakanaka uye zvinongoreva kuti muri kushanda nesimba,” vakadaro VaKateera.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey