Mabhuku matsva kuCollege Press

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Mabhuku matsva kuCollege Press

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
KAMBANI yeCollege Press Publishers — iyo ine mukurumbira wekudhinda mabhuku muZimbabwe — iri kutsigira bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari muchirongwa cheNew Curriculum kuburikidza nekudhinda mabhuku ekuverenga ari kushandiswa nevana muzvikoro.

VaPhillip Mudzimba, avo vanove managing editor weCollege Press, vanoti vari kudhinda mabhuku anoshandiswa nevana pamwe nevarairidzi.

“SeCollege Press, tiri kufadzwa zvikuru nechirongwa cheHurumende cheNew Curriculum uye takaona zvakakosha kuti tichitsigire kuburikidza nekudhindisa mabhuku ayo ari kushandiswa mudzidzo yevechidiki yeECD A nemabhuku achashandiswa nevarairidzi vavo anosanganisira Learner’s Book, Works Books, Story Books, Reading Charts neTeacher’s Guides,” vanodaro.

Vanoti mabhuku aripo pari zvino anosanganisira eMathematics, Science, Enclisi, Shona, Heritage and Social Studies, Mass Displays, Visual and Perfoming Arts nePhysical Education.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey