Mamiriro ebvunzo

11 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

Kune avo vari kuita Shona neboka rinotungamira zvebvunzo, reZimbabwe School Examinations Council, padanho rino panonyorwa mapepa maviri chete. Kune pepa rekutanga (3159/1), rine zvikamu zvitatu chete rinonyorwa kwenguva inokwana maawa maviri. Chikamu chekutanga chinenge chiine mibvunzo yerondedzero mishanu apo munyori anofanira kusarudza mumwe chete kubva pane yakapihwa inonyorwa neShona yamandorokwati iri rondedzero, hurukuro kana tsamba ine mapeji matatu uye mubvunzo mumwe nemumwe uri muchikamu ichi unotakura zvibodzwa zvinokwana makumi mashanu [50 marks].

Muchikamu cherondedzero munotarisirwa kuziva mazwi anobatanidzwa neanopatsanurwa, zviperengo, kugona kuronga nyaya, kushandisa mutauro weShona wakazara pasina chiRungu, kushandisa zvirungamutauro zvingave tsumo, madimikira, nyaudzosingwi kuitira kuti chinotaurwa chinyatsobuda.

Zvakanaka kusarudza musoro werondedzero waunoona kuti unogona kuunyora zvakanaka kwete kuzofunga zvekushandura musoro werondedzero wave pakati pebvunzo.

Muchikamu chepiri mune zvirungamutauro zvine zvibodzwa makumi maviri, asi pamibvunzo inopihwa muchikamu chino zvakare unotenderwa kusarura yakakupfavira pane inenge yakapihwa.

Chikamu chekupedzisira chine nzwisiso nepfupiso. Mibvunzo yenzwisiso inopindurwazve nechiShona chakanaka, uye chikamu ichi chinopindurwa nemunyori wese webvunzo dzeShona padanho rino. Nzwisiso ine zvibodzwa makumi maviri, ukuwo pfupikiso iine gumi, zvese zvibodzwa zvechikamu ichi zvosvika pamakumi matatu. Kupepa iri mibvunzo yese inofanira kupindurwa. Pepa rese iri rine zvibodzwa zvinokwana zana [100 marks].

Kupepa rechipiri (3159/2) kune zvikamu zviviri, chemutauro necheuvaranomwe. Vanyori vanosungirwa kupindura mibvunzo inokwana kuita mishanu chete kubva pane inenge yakapihwa. Muchikamu chemutauro munopindura mibvunzo miviri chete  kubva pamina inenge yakapihwa.

Mubvunzo mumwe chete muchikamu ichi unotakura zvibodzwa gumi nezviviri nekachidimbu. Zvino, kana ichinge yakwana miviri inobva yasvika pazvibodzwa makumi maviri nemashanu [25 marks].

Chikamu chechipiri ndecheuvaranomwe chinopatsanurwa kuita zvikwata zvitatu. Chikwata chekutanga (A) chine mibvunzo mitatu yakanangana nenhetembo dzaunenge wakanzi uverenge. Apa unopindura mubvunzo mumwe chete waunoona kuti unenge wakakurerukira, uye mibvunzo yose ine zvibodzwa zvakafanana zvinokwana makumi maviri nezvishanu [25 marks].

Chikwata chepiri (B) chine mibvunzo mina yakanangana nemabhuku engano dzepasichigare apo bhuku rimwe nerimwe rinogoverwa mibvunzo miviri ine zvibodzwa zvakafanana zvinoita makumi maviri nezvishanu [25 marks]. Muchikwata chino unosungirwa kupindura mubvunzo mumwe chete pasina kukundikana.

Chikwata chekupedzisira (C) chinotakura mibvunzo mina yakanangana nemabhuku ane nyaya itsva apo bhuku rimwe nerimwe rinogoverwa mibvunzo inokwana kuita miviri ine zvibodzwa zvakaenzana zvinosvika makumi maviri nemashanu [25 marks].

Vanyori vanotenderwa kupindura mubvunzo mumwe chete muchikwata chino. Pepa rose iri rine zvibodzwa zana [100 marks].

Kubva pane zvamaona mukupatsanurwa kwechidzidzo ichi, chikamu cheuvaranomwe ndicho chinotakura zvibodzwa zvakawanda kudarika zvimwe zvese nekuti chine (75%) dzezvibodzwa zvinowanikwa kupepa rechipiri. Nekudaro, zvose zvinosanganisa chikamu cheuvaranomwe, ndizvo zvamanga muchidzidziswa mugwaro rino kubva kwekutanga kusvika kuno kumagumo, saka harifaniri kuva dambudziko kutora zvibodzwa zvese zvekuuvaranomwe.

Week two

Gadziriro yebvunzo dzeShona Pepa 2

Zvakakosha kuti uite gadziriro yakasimba yekunyora bvunzo dzeuvaranomwe (nhetembo nenganonyorwa). Dzingave dzepakati pegore kana dzekupera kwegore. Iva nechokwadi chekuti wakaverenga ukanzwisisa mabhuku ese enhetembo neenganonyorwa, usati waenda kunonyora bvunzo. Bvunzo dzinogadzirirwa nenzira dzakasiyana-siyana. Unokwanisa kuverenga mabhuku enganonyorwa kusvika waona kuti wanyatsonzwisisa zvese zvinoitikamo.

Angave manyepo kuti titaure tichiti mabhuku enganonyorwa anoverengwa kangani chaizvo usati wanonyora bvunzo. Zvinodaro nekuti dzimwe nguva, kunzwisisa kwenyu kunosiyana zvichienderana nebhuku ramuri kuverenga, nzvimbo yamuri kuverengera nemaverengero amunenge muchiita. Zvakanaka kuti uverenge bhuku ringave renganonyorwa kana renhetembo wakagara panzvimbo ine runyararo, usingamhanye-mhanye uye wakanyatsodekara. Kurudziro ingavepo ndeyekuti bhuku renhetembo kana renganonyorwa ngariverengwe katatu zvichienda mberi. Izvi zvinoita kuti unyatsonzwisise.

 

Email: [email protected]

Nhare: +263 772610360

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey