Masawu osimudzira hupenyu kuMuzarabani

12 Nov, 2023 - 15:11 0 Views
Masawu osimudzira hupenyu kuMuzarabani

Kwayedza

Fungai Lupande

MICHERO yemusango yakakosha zvakanyanya mukusimudzirwa kwehupfumi hwenyika, zvikuru iyo yakadai semasawu anowanikwa kuMuzarabani nekuGuruve, kudunhu reMashonaland Central nedzimwe nzvimbo dziri muZambezi Valley.

Masawu, ayo anozivikanwa zvekare nezita rekuti Ziziphus mauritiana, ane kudya kunovaka muviri sezvo vanhu vanowana Vitamin C uye akakosha mukumutsira veruzhinji bhizimusi nekuti anovandudzwa achigadziriswa zvinhu zvakawanda zvakadai sejamu, doro pamwe nekudyiwa semuchero.

Mumakore apfuura, vanhu vazhinji vairasikirwa nemari yakawanda nekusaziva kuti muchero uyu wakakosha zvekuti unogona kutengeswa kune dzimwe nyika uchiunza mari.

Zvichitevera kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze, masawu achabatsira mukurwisa nzara nehurombo kunharaunda dziri kudunhu reMuzarabani.

Mai Jeneth Mukonowenzou vekuMuzarabani vanoti munaChivabvu gore negore, mufaro wavo unowedzerwa nekuti ndipo pavanotanga kukohwa masawu ayo vanozotengesa vari padyo nemigwagwa uye mamwe vachiomesa kuti vazoashandisa nekufamba kwenguva.

“Handaiziva kuti muchero wemasawu watinowana muno uchava chinhu chinokosha muupenyu nekuti uri kutiraramisa kudarika zvimwe zvirimwa. Vanhu vazhinji vanoshanyira nzvimbo yeMuzarabani vanofarira zvikuru muchero uyu zvinoita kuti isuwo tiwane mari,” vanodaro.

Vanoti vanotumira masawu kuhama neshamwari dziri kunze kwenyika uye mamwe vachiomesa kuti vazoashandisa munguva inotevera sezvo asingaori nekukasika.

“Tinofara zvikuru kuti muzinda wemuchina unogaya masawu wava kupera kugadzirwa nokudaro kutanga gore rinouya, tichange tava kuwana mari zhinji kubva kumuchero uyu sezvo unenge wave kuvandudzwa kugadzira zvinhu zvakawanda zvinotipa mari zhinji,” vanodaro.

Hurumende yeSecond Republic iri mubishi kuita mabhindauko anopa mari nekusandura hupenyu hweveruzhinji nokudaro muchero wemasawu uri kutarisirwa kuunza shanduko kuraramo yevanhu vanodarika 2 500 munharaunda iyi.

Masawu ari kuitwa zvekare ongororo nekuvandudzwa paBindura University of Science Education Innovation Hub, kuBindura zvinova zvichasandura raramo yevazhinji zvisinei nekuti Zimbabwe iri kutambudzwa nezvirango zvehupfumi zvayakatemerwa nenyika dzekumavirira izvo zviri kuita kuti vazhinji vange vachirarama nenzira inorwadza.

Kanzura Norman Chizeya vekuMuzarabani vanoti dunhu ravo rakaropafadzwa nezviwanikwa zvakawanda zvinosanganisira gasi, mafuta ezvifambiso nemichero yakasiyana zvekare.

Vanoti zvinofadza kuona vanhu vanogara kumatunhu asinganaye mvura yakaringana vachishandisa zviwanikwa zvemunharaunda mukusimudzira raramo yavo.

VaLucias Mujuru vanova provincial manager kuForestry Commission kuMashonaland Central vanoti vakatotanga kudyara miti yakasiyana mumanesari avo, kusanganisira michero yemisawu.

Muzinda unokosha US$5 miriyoni uchashandiswa mukugaya masawu uchange uchibura marita mamiriyoni maviri ezvinwiwa zvakasiyana izvo zvichabatsira mukuwanisa veruzhinji mabasa uye mari.

Professor Courtie Mahamadi vanova director wechikamu chetsvakurudzo (research and innovation department) paBUSE vanoti muzinda uyu uchange uchiwana masawu kunzvimbo dzakapoteredza dzeZambezi Valley.

“Vanhu vemunharaunda vachaunza muchero wemasawu kunzvimbo dzaanenge achiunganidzwa kuti azotorwa,” vanodaro.

BUSE Vice Chancellor, Professor Eddie Mwenje, vanoti pane kudiwa kwakanyanya neveruzhinji kwezvigadzirwa zvemasawu, zvinosanganisira jamu, yoghati, mafuta erunako neVitamin C syrup.

Vachitaura nguva pfupi yadarika pagungano rekupedza zvidzidzo kwevamwe vadzidzi, Prof Mwenje vakati muzinda wekuvandudza masawu uyu pari zvino wavakwa kusvika padanho rechikamu che36 percent kuti uchipera ye unotarisirwa kupera panoperawo gore rino.

“Yunivhesiti ine dzimwe nzvimbo dzinovandudzwa zvinhu zvakasiyana-siyana kumizinda inosanganisira Sohwe, Mt Darwin neKaitano, kuMukumbura sechikamu chekubatsira kusimudzirwa kwemaindasitiri kumaruwa,” vanodaro.

PIX: Masawu nebudiriro

Madzimai achitengesa masawu mumugwagwa weKanyemba pedyo neMahuwe Shopping Centre, kuGuruve nguva pfupi yadarika.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey