Maticha 5 000 opinzwa basa

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Nqobile Tshili

BAZI rePublic Service Commission (PSC) riri kuita hurukuro nebazi rinoona nezvehomwe yenyika nechinangwa chekuti ripinze vamwe varairidzi 5 000 mabasa senzira yekuderedza kushomeka kwavo panguva iyo muzvikoro zviri kumativi mana enyika muri kudiwa vadzidzisi vanosvika 13 000.

Mashoko aya akataurwa negurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, pagungano republic lecture rakarongwa nesangano reZimbabwe Congress of Students’ Union (Zicosu) paUnited College of Education, kuBulawayo, svondo rapera.

Prof Mavima vanoti bazi ravo rakazvipira kusimudzira dzidzo kuburikidza nekuwedzera huwandu hwevarairidzi muzvikoro.

Mumwedzi waNdira, bazi rezvehomwe yenyika rakapa PSC mvumo yekuti vapinze varairidzi 3 000 mabasa.

“Saka ndezvipi zvimwe zvinhu zvatiri kuita kuti tinge tichiwana mikana? Chekutanga, ticharamba tichishanda pamwe chete nevebazi rehomwe yenyika nevePSC uye takakumbira kuti tiwaniswe mukana wekuti vamwe varairidzi 5 000 vapinzwe mabasa.

“Gurukota rehomwe yenyika, Professor Mthuli Ncube, tinovimba kuti vachatibatsira zvisinei nekuti hatisati taziva kuti vachatipa mukana wekupinza varairidzi 5 000 mabasa rinhi,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti kumbomiswa kupinzwa mabasa kwevarairidzi kwakaita kuti nyika ive nedambudziko rekushomeka kwematicha 13 000.

“Saka nekuda kweizvi, tine varairidzi 20 000 vasina mabasa asi vakadzidzira basa iri. Tave nenguva refu tisiri kupinza varairidzi mabasa zvisinei nekuti vashoma.

‘‘Ndinovimba kuti kushomeka kwevarairidzi muzvikoro zvedu kuri pakati pe12 000 ne13 000 uye ndinovimba Hurumende ichaona kuti vawedzerwa. Hatisi toga bazi riri kusangana nedambudziko rekushomeka uku nekuti kunyangwe kubazi rezveutano kune varapi vakawanda kwazvo vasina mabasa.”

Prof Mavima vanoti varairidzi vari kunyanya kudiwa ndeveMathematics neScience.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey