Maticha wedzerai ruzivo: Dokora

07 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Maticha wedzerai ruzivo: Dokora VaDokora

Kwayedza

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kuti vadzidzisi vavandudze ruzivo rwebasa ravo kuburukidza nekuenderera mberi nefundo kuti vafambirane nenguva.

Vakataura izvi svondo rapera pachikoro cheKuwadzana 2 High, muHarare, pakuvhurwa zviri pamutemo kwekamuri yekudzidzira sainzi zveA-Level pamwe nekukumikidzwa kwebhazi idzva rechikoro ichi.

Mumashoko avo avakaverengerwa nemunyori mukuru webazi iri, Dr Sylvia Utete-Masango, Dr Dokora vakati kuvakwa kwerabhoritari iyi nekutengwa kwebhazi zvichabatsira zvikuru mukusimudzira zvidzidzo zvevana.

“Tinotenda zvikuru mushandirapamwe wakaitwa nevabereki kuti kamuri iyi ivakwe pamwe nekutengwa kwebhazi. Zvidzidzo zvesainzi tinoona vadzidzi vazhinji vachizvitiza vachiti zvinogozha asi kana midziyo yose iripo, vadzidzi vanorerukirwa nekuti vanenge vachifundiswa zvinhu zvavanenge vachiona,” vakadaro.

Dr Dokora vakati vanofara zvikuru kuti pachikoro ichi pane vadzidzisi vakafundira basa avo vane madhigirii nemadiploma.

“Zvinofadza kuti vadzidzisi nevashandi vari pano vane magwaro akakwana edzidzo. Pavashandi vari pano 64, avo vanosanganisira vanhurume 19 nevanhukadzi 45, takaona kuti vadzidzisi 27 vane madhigirii ne37 vane madiploma.

“Zvakare, kuburikidza nechirongwa chekusimudzira fundo yevadzidzisi, cheTeacher Capacity Development Programme, takaona vadzidzisi vazhinji vachiwana madhigirii,” vakadaro Dr Dokora. Vakakurudzira vamwe vadzidzisi vasina magwaro akakwana kuti vachiita shungu nechikoro kuitira kuti vafambirane nekusanduka kuri kuita zvinhu munyika, zvikuru maringe neruzivo rwechizvino-zvino.

“Rabhoritari iyi ichabatsira vadzidzi muzvidzidzo zvavo zvePhyscics, Chemistry, Biology neFood Science. Tinokurudzira vadzidzi kuti vaishandise nemazvo kuti vagopasa. Ndadzidza zvakare kuti chikoro chino hachina dzimba dzinofundirwa mabasa emawoko akaita seWood Technology, Metal Work, kuvaka, kurima nezvekudhirowa zvinova zvimwe zvezvinhu zvakakosha mudzidzo,” vakadaro.

Vanoti bazi ravo richaramba richipa rubatsiro kuzvikoro kuti zvinge zvichiwaniswa midziyo yakakwana.

“Ndinokutendai vabereki veKuwadzana 2 High nekupedza dambudziko rezvifambiso apo makatenga bhazi iri nekuti zvaizodhurira chikoro kuti chirambe chichihaya mabhazi apo vana vanoita nzendo sekunoona nzvimbo dzinokwezva vashanyi kana kuti mitambo. Chikoro chino chakatenga zvakare makombiyuta 20 kututsira mamwe ange aripo saka ose ave 92. Izvi zvichabatsira kuti munge muchivandudza chirongwa cheE-Learning,” rakadaro gurukota iri.

Vakashora kudofora kuri kuitwa nevadzidzi pachikoro ichi pamwe nekusabhadhara mari dzechikoro kwevabereki vakati pachine basa guru rinofanira kuitwa kuti dzidzo isimukire.

“Kubvira mugore ra2009, Kuwadzana 2 High yakange ichingobura zvikamu zvakasiyana zvekupasa se5% kusvika pa30%. Vabereki vane chikwereti chinosvika $164 000 zvinova zvinoderedza dzidzo,” vakadaro.

Mukuru wechikoro ichi, Mai Mary Mupandawana, vanoti kana vakawana rutsigiro rwakakwana vachave pamberi munyaya dzedzidzo mudunhu ravo.

Vamwe vaive pachiitiko ichi vanosanganisira Harare Metropolitan Provincial Education Director, VaChristoper Kateera, naMai Idzai Gweme vanove District Education Officer weWarren Park neMalbereign.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey