Ma‘tsvimbonhanga’ matsva aunzwa nePrime Seed Co

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Ma‘tsvimbonhanga’ matsva aunzwa nePrime Seed Co ‘Mutsvimbobonhanga’ muzere nemadhora, varimi tsvagai mbeu idzi kuPrime Seed Co mugopfuma.

Kwayedza

Masimba Kanyepi
KAMBANI yePrime Seed Co yauya nemhando itsva mbiri dzema “Tsvimbonhanga” ayo anogona kurimwa nevarimi zvichienderana nemisika yaveko mazuva ano – ingava yekusvina kana yatagara tichiziva yekubika kuti mhuri idye ichiguta.

Mhando mbiri dzaunzwa nevePrime Seed Co idzi dzakanaka zvikuru sezvo dzichipa murimi goho guru uye remhando yepamusoro-soro izvo zvinoita kuti murimi awane mari inomupa pundutso.

Tichibata pamhando dzinosvinwa. Kune mbeu mbiri dzinoti BUTTERNUT ULTRA neBUTTERNUT MAXIM. Matsvimbonhanga aya anokura zvikuru zvekuti mwana mumwe wetsvimbonhanga anorema kubva pa4,8kgs kusvika ku8kgs. Izvi zvinoita kuti murimi awane goho rinosvika kana kudarika matani zana ezvuuru nechidimbu.

Murimi ava kuenda kumisika negoho iri, anowanikwa achityorera mari muhomwe dzake inosvika makumi matatu ezvuru zvamadhora uye ashandisa mari isingapfuure kana kuraudzira kuzvuuru zvishanu zvemadhora.

Pamhando dzeayo anobikwa mhuri yeZimbabwe ichidya nekutapirirwa, Prime Seed Co inokuridzira varimi kurima matsvimbonhanga akaita seAvalon neVictory. Murimi akarima mhando mbiri idzi, anokwanisa kuwana mwana mumwe achirema kusvika pa1,2kg. Murimi akarima zvakanaka anowanawo goho rinosvika kuzviuru zana zvamatani ematsvimbonhanga aya.

Anogona zvekare kuwana mari inosvika kuzviuru makumi mana apo anenge ashandisa mari isingadarike zviuru zvina zvamadhora.

Varimi vanokurudzirwa kurima matsvimbonhanga aya panguya iyo inenge isina chando chakawanda. Chirimwa ichi chinoita zvakanaka pamapisiro kana kutonhora kwekunze kuri pakati pe20 degrees ne25 degrees uyezve haafanire kupfuura pa32 degrees. Kana ava manheru, chirimwa ichi chinowanzoita zvakanaka kana kunze kusingapfuura 10 degrees.

Matsvimbonhanga akasawana mamiriro ekunze akanaka anowanikwa achirumura maruva, iyo yatinoti pachiRungu flower abortion, zvichizokonzera kusvava kwematsvimbonhanga achiri madiki.

Kuvavira kana kutapira kwevhu rinoita kumatsvimbonhanga kunofanira kuve pakati pepH 5,5 kusvika ku6,3.

Varimi vanokurudzirwa kutanga vaita bindu rembeu, vozodyarurura mumunda mbeu yavo. Izvi zvinodzivirira dambudziko rekudyirwa mbeu yavo iri muvhu nemakonzo kana nembeva.

Kana varimi vave kudyara zvepakakurisa, Prime Seed Co inovayeuchidza kuti pahekita imwe chete vanokurudzirwa kuva paine nyuchi idzo dzinobatsira zvikuru pakusanganiswa kweinonzi pachiRungu pollination. Ruva rehukadzi hwetsvimbonhanga (female flower) rinofanirwa kushanyirwa zvakanyanya panguva yakawanda.

Mikoko miviri kana mitatu inokurudzirwa pamunda wehekita rimwe rematsvimbonhanga.

Mataramutsiro pakudyara:

Prime Seed Co inokurudzira varimi kudyara pabindu mumutsara mumwe unoita 1.5m kusvika ku1.8m pakati pemabindu iwaya. 0.5m kusvika ku0.8m kubva pachirimwa chimwe kusvika pane chimwe. Tinotarisira varimi kuti vagone kuwana madzinde anokwana zviuru gumi nezvitanhatu pahekita rimwe (16 000 plants/h). Mbeu yavo haifanire kudzika kupfuura 3cm.

Varimi vanokurudzirwa kushandisa munyu wepasi unoita 600kg to 800kg uye nemunyu wepamusoro unoita 225kg vachishandisa mukombe number 5.

Zvakadaro, murimi ngaachiona kuti munda wake wagara wakachena, usina sora kuti goho rikure. Mutsvimbobonhanga muzere nemadhora, varimi tsvagai mbeu idzi kuPrime Seed Co mugopfuma.

 

l Varimi sunungukai kutibata panhare idzi:

Liz       0731432590                         Mashonaland

Cassim 0731777784                       Manicaland

Faith    0732020639                         Harare

Silas     073173948                           Matebeleland/Midlands

Tariro  0731664592                         Harare

Charlene 044805012                      Msasa shop

Caleb  04 333262                            Stapleford shop

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey