Mazita anodudzira huwandu hwezvinhu

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
CHISHONA mutauro wakapfuma chose uyo unoburitsa hutsanzi hwemunhu namashoko. Mashoko mazhinji emuchiShona anodudza zvinhu zvakajeka kwazvo zvichienderana nekugona kwacho kudunhurira.
Nokudaro kana zvinhu zvakawanda zvine mazita azvinotumidzwa, sokuti tinoti chiuni chihuni dzakaunganidzwa kana kuti chipani chemombe dzakasungwa dzichirima.

Vanhu vanorasira madota avo panzvimbo imwe chete pavanogara.
Kana dota iri razoungana tinoti chirasira kana kuti humbarota. Vamwewo ndivo vanoti zambarota kana kuti zambadota.

Kana iri nguva yeZhizha miti inoita maruva nemichero yakawanda iri pamwepo inonzi dzatsi remichero kana kuti sumbu.

Vamwewo vanoti bumbu remichero. Kana wava murwi wemabhanana toti musumburumbu.
Zvirimwa zvakafanana nemapfunde, mhunga, zviyo  kana mupunga zvinopurirwa paburiro.

Kupura uku panenge pachida kusarudzwa musvo nekubvisa hundi. Kana hundi iyi yaita duto pamwe chete rinonzi dirinhiri rehundi.

Kana dzava hove tinoti dzatsi kana kuti dzakatsaka rehove vamwewo vachiti muduriro wehove.
Dzimba dzakavakwa dzichitevedzana dzinonzi rundaza rwedzimba kana kuti muzera wedzimba. Murwi wesvumbunuro unoti dzakatsaka madora anofamba achitevedzana nokudaro akaonekwa anonzi gwamba remadora.

Madzimai ane chinangwa chimwe chete akaungana anonzi chita chamadzimai kana kokorodzano.
Kana mapfunde asati apurwa achichengeterwa mutswanda huru tinoti shoshe kana kuti dengu remapfunde.
Anogona zvakare kunzi mutsitsi wemapfunde. Mamwe mapfunde anounganidzwa asiri mutswanda asi ari pamwe chete. Uyu unonzi mutsitsi wemapfunde.

Tsatsi tinenge tichitaura nezvemaruva akawanda kana mari yakawanda. Nyenyedzi dzakawanda panzvimbo imwe chete dzinonzi dzatsa. Masanzu akaoma ari pamwepo anodaidzwa kuti dywanganidzwa.

Kana machinda achikwikwidzana panyaya dzehushe tinoti paita gwamba roushe.
Mhunga zhinji yakazara muzitswanda inonzi mutsitsi wemhunga.

Kana riri sango remikute riri mubani rinonzi gute. Mugute imomo hute dzinorembera dzaberekwa dzakawanda dzonzi marembesanwa.

Mitiwo yakasiyana yakawanada panzvimbo imwe inonzi chichesi kana bumburudzi remiti.
Kana uri muriwo tave kuti tsama yemuriwo. Tinotiwo mukuze wenyuchi tichireva uzhinji hwenyuchi dzakamhara kana kubhururuka. Nzungu zhinji dzisina kumenywa dzinonzi chimutwa.

Kana huswa hwekupfirira dzimba hukachekwa hwounganidzwa hwakasungwa tinoti chidzoto, chiswa kana chimwanda chehuswa.

Kana huri huswa hwamera panzvimbo imweyo tinoti zhunga rouswa. Kana uswa hwakawanda huri hwekupfirira imba hunonzi ngenya rouswa.

Vanhu vazhinji kana zvipfuyo nemhuka zvinonzi zimi.
Kana vanhu vomhanya vari pamwepo vakaungana vanonzi ditima kana kuti bitipiti revanhu. Kana vanhu vari mushishi yekushanda vakawanda vanonzi bokoshindi.

Kana vakawanada vachishanda vakazara kose kose, kusanganisira zvipfuyo, zvonzi dekeshera. Uzhinji hwevanhu vari kutiza hunonzi bararamhanya.

Vanhu vakawanda kana vachishandira doro tinoti vari panhimbe kana kuti hoka.
Vanhu vakawanda vachirimira mambo vanonzi zunde ramambo. Uzhinji hwezvinhu zvisina kunyatsorongwa zvakanaka unonzi hungwandangwanda.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey