Mazita anosiyana nenzvimbo

21 Jun, 2019 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
CHIKAMU chino chine hochekoche nechikamu chakapfuura apo tiri kuenderera mberi tichatarisa mazwi anoreva zvakafanana. Muchikamu chino tinoda kunyanyorerekera kumazwi aya anoreva zvakafanana asi zvichisiyana nenzvimbo.

Zvakafanana nekuti ruzhinji rwose rweZimbabwe rwunoziva chibage asi tikatarisa dzimwe nzvimbo, chibage chinonzi mabonore kana kuti magwere. Kazhinji kacho zita rechinhu rinosanduka nekuda kwenzvimbo.

Kana munhu akasaita chinhu zvakanaka tinoti atadza asi kune mamwe matunhu anonzi aresva kana akoniwa. Vamwe kutadza vanokuti kusva. Hazvigumiri ipapo nekuti vamwe vanoti kutadza kunyadza, kuchinya kana kushaisha.

Munhu akapfuma zvikuru tinomuti akapunduka kana kuti akanota. Kune dzimwe nzvimbo vanoti akakwirira kana kuti akabudirira.

Tine vamwe vanhu vekuti havagone kutaura chokwadi nguva dzose. Kuvanza ikoko kunonzi kuhwandisa kana kusvisa. Kunoitawo vaya vanoda zvekutuka vamwe tinoti vanotafura vamwe. Vamwewo vanonyengera vamwe kuita zvisina kururama, tinoti vanofurira kana kurunzira. Kana munhu achinge ava nenguva asiri kuonekwa panzvimbo paanofanirwa kunge achionekwa zvinonzi arova. Mamwe matunhu vanoti munhu iyeye adzama kana kuti atata.

Kuroora ndiko kuwana kana kuchara. Munhu akanyarara akatsiga tinomuti akapfava kana kuti akazvirereka.

Kurasa zvinhu kune dzimwe nzvimbo vanoti kataya.

Kana mukomana akaona musikana akamunakira pachiso anoda kumunyenga. Kunyenga ndiko kupfimba kana kuti kumuruma. Kune dzimwe nzvimbo vanoti kukonza, kugadza kana kutsvetsva. Chinhu chakaoma tinoti chakagozha kana kuti chakasinda. Mamwe matunhu vanoti chakashota kana chinotana. Kudedera zvinoreva kubvunda uye vamwe vachiti kungwenda kana kuhuta.

Chikafu chinenge chabikwa chakasara chikasachengetedzwa zvakanaka chinoita chakubvubvu kuratidza kuti chashata. Chakubvubvu chinonzi zvakare chakwindi kana kuti chakuvhe.

Kune chivezwa chedanda chinoshandiswa nevanhu vanoputa fodya kuti vasabata midzanga neruoko icho chinonzi chikwepa. Kune dzimwe nzvimbo chinonzi ngidhi kana kuti ndudu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey