Mbavha dzabira kambani yezvitunha

27 Oct, 2022 - 16:10 0 Views
Mbavha dzabira kambani yezvitunha Asst Insp Nomalanga-Msebele

Kwayedza

Valencia Ndhlovu

MAKORORO manomwe ainge akapakata zvombo nemusi weChitatu mambakwedza akapaza pane imwe kambani inoviga vafi iri muBulawayo, ndokurwisa murindi aivepo uye ndokuzoba girosari rinokosha US$110 neR1 750.

Izvi zvakaitika kuKelvin North nenguva dza2 mambakwedza.

Achirondedzera nyaya iyi, murindi wepaFlair Funeral Parlour ane makore 25 okuberekwa anoti makororo aya akanga akavhara kumeso nemachira, mumwe wavo akapakatira pfuti yemhando yerifle apo vamwe vaviri vaive nemapanga.

Mumwe aive nebolt cutter, vamwe vatatu vakabata matombo.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reBulawayo, Assistant Inspector Nomalanga Msebele, vanotsinhira nyaya iyi.

Panguva yekurwiswa uku, murindi wepakambani iyi anonzi akazvivharira mune imwe imba yepo apo makororo aya akamanikidzira kuvhura hwindo repanzvimbo inosvikira vaenzi vachishandisa bolt cutter ndokubva vapinda mumahofisi.

Vakaba zvinhu zvinosanganisira 2×5litres gtx oil, 15×1litre Danone ultra-Mel custard, 2×500ml embalming liquid netangi regasi rinorema 3kg.

Vakaenderera mberi nekurova murindi uyu ndokutora US$30 nenharembozha yake yeHuawei.

“Mapurisa anorumbidza kambani ine mushandi akashungurudzwa nekusachengeta mari yakawanda panzvimbo iyi. Tinokumbira kune vane ruzivo rwunogona kuita kuti vanhu vari kupomerwa mhosva ava vasungwe kuti vamhan’are kukamba yemapurisa iri pedyo,” vanodaro Asst Insp Msebele.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey