Mbavha dzaponda mukadzi ndokuba US$300

08 Jul, 2022 - 16:07 0 Views
Mbavha dzaponda mukadzi ndokuba US$300 Varume vatatu vakasungirwa kuponda munhu nedzimwe mhosva.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARUME vatatu vekuGokwe vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuponda mumwe mudzimai wekuMbizo 18 kuKwekwe apo vakapinda mumba maaive arere nemhuri yake nechisimba, ndokuba US$312 pamwe nemidziyo.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti vakasungwa ndiHardlife Mushipe (26) wekwaNyamazana kudunhu raMambo Njelele, Liberty Chipanga (22) wekwaSabhuku Masosove kwaMambo Njelele naTrust Chipanga (23) wekwaSabhuku Machesa kwaMambo Chireya.

Vose vakasungwa nemusi wa3 Chikunguru nenguva dza1 mambakwedza.

Vatatu ava vari kupomerwa kupinda mune imwe imba kuMbizo 18 nechisimba vakapakata pfuti yemhando yepellet gun, matanda nemipinyi yemapadza apo vakamutsa Kudakwashe Muurungi (39), mudzimai wake Pretty Mxotshwa (34) naCedilla Mushava (22) avo vaiva vakarara, ndokutanga kuvarova zvakaomarara.

“Vatatu ava vachirova vanhu ava kudaro, vaiti vanoda mari apo vakapihwa nhare nemari yaikwana US$312. Pachiitiko ichi, vanonzi vakarova Pretty Mxotshwa (34) achibva afa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vamwe vanonzi vakarohwa vakakuvadzwa vanosanganisira Cedilla Mushava (22) naKudakwashe Muurungi.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa vakaona kuti mutumbi waMxotshwa waiva nemaronda akadzika mumusoro nemavanga muviri wose.

Inspector Emmanuel Mahoko

“Panzvimbo iyi, mapurisa vakazowana pellet gun, matanda aiva neropa, mupinyi webadza nebhemba. Mapurisa vakazotanga kutsvaga varume ava ndokukwanisa kunosunga vatatu ava kwaSabhuku Nyamazana kwaMambo Njelele,” vanodaro Insp Mahoko.

Vatatu ava vari mumaoko emapurisa vachibatsira mukurefetwa kwenyaya iyi nedzimwe dzavanonzi vakapara mudunhu reMidlands.

“Tinotenda veruzhinji nenyanzvi dzedu dzemapurisa nebasa guru ravari kuita rekupa mashoko nekusunga makororo. Tinoti vanhu huyai nemashoko ose anobatsira tisunge makororo, hatidi kuvaona mukati meruzhinji,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey