Michina yorerutsira varimi

11 Oct, 2022 - 16:10 0 Views
Michina yorerutsira varimi tarakita ine mavhiri maviri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE iri kushanda nevatsigiri vakasiyana mukubatsira varimi vekumaruwa nemichina yekushandisa inodarika 600 senzira yekurerutsa mitoro yekurima nechibhakera kana kushandiswa kwezvipfuyo zvakadai semombe, madhongi uye simba revanhu.

Chirongwa ichi chakatanga gore rakapera uye chiri kutsigirwa nebazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa rakabatana nemapoka anosanganisira bhanga reAFC Bank, Kurima Machinery and Technology, International Maize and Wheat Improvement Center (CIMMYT) neZimplow.

Engineer Edwin Samuel Zimhunga, avo vanova chief director kuchikamu cheAgricultural Engineering Mechanisation and Soil Conservation kubazi rezvekurima, vanoti Hurumende yakaona zvakakodzera kuti varimi vasimudzire upfumi hwenyika kuburikidza nekurima zvine pundutso.

“Paongororo yakaitwa pachirongwa chekuverengwa kwevanhu munyika, zvakaonekwa kuti vanhu vazhinji vari kuita mabasa ekurima vanogara kumaruwa vari mumupanda weCommunal Area nemaA1. Saka Hurumende yakaona zvakakodzera kuti vawaniswe zvikwanisiro mumabasa avo ikaunza chirongwa chinodaidzwa kunzi Small-Holder Mechanization Programme apo varimi vanowaniswa michina yekushandisa.

Mushina wekutsokonyora

“Kuburikidza nekuvandudzwa kweruzivo rwechizvino-zvino, tichivapa michina iyi nenzira yezvikwereti iyo vanobhadhara pashoma-pashoma asi ivo vanetenge vatova nayo kudzimba dzavo vachiishandisa. Vamwe vanoihayisa kune vamwe varimi kuti vawane mari yekubhadhara zvikwereti,” vanodaro.

Eng Zimhunga vanoti michina yematarakita madiki ane mavhiri maviri iyi inokwanisa kushandiswa nemurimi ari oga kumunda zvichiita kuti basa rive nyore. Michina iyi inorima muminda, kudyara, kukohwa uye kutakura zvinenge zvakohwewa zvichienda kwazvinochengeterwa kumatura kana kumisika.

“Zvinangwa zvedu zveVision 2030 ndezvekuona kuti varimi vaisa mari muhomwe nguva nenguva kuburikidza nezvirimwa zvavo. Kurima kwava nyore, kwava kunakidza nekuti varimi vaichema nenhau yekurima nezvibhakera uye kushandiswa kwemombe vachiti kunorwadza,” vanodaro.
Engineer Tirivangani Koza, vanova deputy director kuchikamu cheAgricultural Engineering Mechanisation and Soil Conservation, vanoti kune varimi vakasarudzwa mumatunhu gumi munyika avo vakapihwa michina iyi nechikwereti.

“Michina iyi inoita kuti varimi vemazera ose vafarire basa. Hapana dikita rinobuda uye ndirwo rwuzivo rwataichemera rwuri kushandiswa kune dzimwe nyika dzakabudirira rwapinda muno.
“Ngatirwubatisise nekuti rwuchatipa pundutso. Michina iyi inochera zvekare makomba epfumvudza, kudyara, kufushira mbesa, kutimbira, kudiridzira nekukohwa kana kufirita mishonga muminda,” vanodaro.

Vamwe varimi vari kubatsirikana nechirongwa ichi vanopembedza ruzivo rutsva rwemichina urwu.
VaShepherd Marapira vekuWard 25 Rushinga kwaMambo Nyajena kuMasvingo anoti: “Sevarimi vadiki, taipona nekurima nemapadza kana kushandisa mombe nemadhongi, asi iko zvino tarerutsirwa nekuti tava nemichina midiki iyo yatakawaniswa nemitengo yakaderera yatiri kushandisa. Haidi vanhu vakawanda, munhu mumwe chete anotoshanda mumunda achipedza.”

VaDereck Zava vemudunhu rimwe chete vanoti kurima kwava nyore sezvo vari kuhaya michina yemuvakidzani wavo.
Verengai dzimwe nyaya pawww.kwayedza.co.zw

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey