Moto waparadza mahekita 131k emasango

18 Aug, 2022 - 16:08 0 Views
Moto waparadza mahekita 131k emasango Moto wesango une njodzi huru kuupenyu hwevanhu, mhuka nezvimwe zviwanikwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ENVIRONMENTAL Management Agency (EMA) iri kukurudzira veruzhinji kuti vatore matanho ose akakodzera mukudzivirira moto wesango.

Kurudziro iyi inotevera kuparadzwa kwemahekita 130 954 emasango kubvira pakatanga mwaka wemoto wesango nemusi wa31 Chikunguru.

Kurudziro iyi yakaitwa neEMA ichiti pane njodzi huru yekunyuka kwemoto wesango mwaka uno nekuda kwehuswa hwakawanda sezvo mvura zhinji yakanaya munguva yeZhizha.

“Mumakore adarika, mwaka wemoto wesango waipera nemusi wa30 Gumiguru asi gore rino uri kupera musi wa30 Mbudzi zvichitevera nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze uye kunaya kwemvura uko kwava kunonoka.

“Kune nyaya dzemoto wesango dzakaitika mumakore adarika vanhu vakarasikirwa neupenyu, midziyo nezvirimwa,” vanodaro Mai Amkela Sidange vanova environmental education and publicity manager kuEMA.

Vanoti kubvira pakatanga mwaka wemoto wesango, pakaitika nyaya dzemoto dzinosvika 489 uye pakaparadzwa mahekita 130 954.26 emasango.

Mai Amkela Sidanke

“Nzvimbo zhinji dzakaparadzwa nemoto wesango uyu zvaikonzerwa nekukundikana kuchengetedza moto apo vanhu vanenge vari kugadzira minda yavo. Zvinhu zvinorwadza nekuti moto wakanyanya kuparadza midziyo wakaitika nemusi wa12 Nyamavhuvhu apo pakatsva Eland Lodge kuGweru neKambani Lodge iri kuPlumtree. Zvakaparadzwa kuGweru zvinosanganisira makoteji masere nekamuri yekuitira misangano uye zvinokosha US$450 000 apo hukoshwa hwezvakaparadzwa paKombani Lodge hausati hwazivikanwa,” vanodaro Mai Sidange.

Vanoti hapana vanhu vakarasikirwa neupenyu kubvira pakatanga mwaka wemoto yesango.

“Tinorwadziwa zvikuru nekurasikirwa nemidziyo kwakaitika panzvimbo mbiri idzi. Saka tinoramba tichikusha mashoko echenjedzo kuti zviitiko zvakadai zvisadzokororwa nekuti zvinodzorera kumashure budiriro yeupfumi hwenyika.

“Vapari vemhosva vose vanotanga moto wesango hatisi kuzovaregedza. Ngatiregedzei kutanga moto wesango, ngatichegetedzei midziyo neupenyu hwezvisikwa zvose,” vanodaro.

Vanoti mukana wekuwanda kwemoto wesango mumwaka wegore ra2022 wakakura nekudaro panofanirwa kutorwa matanho makuru kuti unge uchidzivirirwa.

“Zvimwe zvezvinokonzera kuwanda kwemoto wesango kukundikana kuchengetedza zviwanikwa zvakadai sekucheka huswa hwounganidzwa kuti huzoshandiswa sechikafu chezvipfuyo kana kupfiririsa dzimba nemamwe mabasa. Masora kana akasiiwa achingooma ari muminda, vaputi vefodya vanogona kudonhedza zvigusvani zvemidzanga zvinoita kuti moto utange.

“Mafuta edzimotokari kana akadonhera pose-pose anogona kuvamba moto wesango uye veruzhinji vanoda kudzidziswa nezvekuipa kwekutanga moto nekuti unokanganisa nharaunda apo zvipukanana zvinoparara, midziyo inopararawo mukati menguva diki uye vanhu vanogona kufa zvekare,” vanodaro.

Mai Sidange vanoti kusvika pari zvino EMA yaita zvirongwa zvinosvika 531 munyika yose zvekufundisa veruzhinji maringe nekuipa kwemoto wesango.

“Muzvirongwa izvi, tinenge tichiratidzira vanhu zvavanofanira kuita kudzivirira moto wesango munharaunda dzavo, madzimirwo emoto uye kwavanofanira kumhan’ara kana moto wesango uchinge watanga. Tiri kudzidzisa zvakare veruzhinji kugadzirwa kwehwaro kunze kweminda kana misha (fire guards) kuitira kuti moto wesango usadaukire nemuminda kana mudzimba dziri pedyo nemasango.

“Takagadzira zvakare hwaro hwekudzivirira moto panzvimbo inokwana makiromita 11 066.8 kuti tichengetedze mahekita 1 393 092.5 eminda,” vanodaro.

Mai Sidange vanoenderera mberi vachiti, “Tiri kushanda pamwe nemapoka akadai seArex, Forestry Commission, makanzuru pamwe nemadzishe kuvatsigira nenzira dzavangaita mukurwisa moto wesango munyika yose.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey