Mr Ugly Sere ashaya

06 Dec, 2023 - 21:12 0 Views
Mr Ugly Sere ashaya Mison Sere

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anga akabata mukombe wekunyangara pachiso munyika yose – Mr Ugly Zimbabwe, Mison Sere (51) – ashaya.

Mison, uyo anga achigara mumusha weNew Mabvuku, muHarare, anonzi akashaika husiku hweChipiri chino pasina kurwara kwakaonekwa nehama dzake.

Mr Ugly aigara pamba pasekuru vake uye anonzi mutumbi wake wawanikwa uri muchimbuzi usina kupfeka apo akange apindamo achida kuzvibatsira.

Murume uyu aizivikanwa nekutora zvinodhaka murukisheni rweMabvuku.

VaDunny Sere (56) vanova sekuru vaMison avo aigara navo vanoti vazoshevedzwa kuma11:30 dzehusiku hweChipiri kwavanoshandira vachitaurirwa kuti muzukuru wavo ashaika.

“Ndine kwandinoshandira husiku uko ndakavingwa naJoe Sere (30) mwana wangu pamwe chete nemuroja vachitaura kuti Mr Ugly Mison Sere hakusisina. Ndazodzoka navo ndikasvikowana mutumbi waMison uri muchimbuzi usina kupfeka kureva kuti asangana nerufu rwake achida kuzvibatsira. Tazoshevedza vamwe tikatakura mutumbi kuisa mumba ndokuzivisa mapurisa.

“Chitunha chazoendseswa kumochari yeParirenyatwa Group of Hospitals uko chakamirira kuongororwa nemachiremba, isuwo tichironga zvekumuviga,” vanodaro VaDunny Sere.

Mison Sere

Vanoti vane fungidziro huru yekuti muzukuru wavo auraiwa nedoro risingabvumidzwe iro ainwa uyewo nekutora zvimwe zvinodhaka.

“Mison Sere Mr Ugly ndini ndaigara naye, aimuka mangwanani kuma6 asina kudya oenda kuma’base’ avo ekutora zvinodhaka uko aiswera achizodzoka pakati pehusiku. Ikoko handizive kuti aidya here, taimuchengetera sadza kwemazuva maviri kana mana, ukaedza kumumanikidza kudya airamba. Kurwara kwake handina kumbokuona kana kunditaurira haana,” vanodaro.

Mison aine hama dzake VaNorman Bepe naVaDunny Sere sekuru vake

VaDunny Sere vanoti dzimwe hama hadzisati dzaungana kuitira kuti vagofambisa hurongwa hwekuvigwa kwaMison.

“Mr Ugly anga asina mudzimai asi ane mwana mukomana uyo takaridzira nhare akati aiva kuBeitbridge. Semamiriro azvakaita, iyi inhamo chaiyo nekuti hatina kana bhokisi rekumuvigisa kana kudya chaiko panhamo hapana. Tiri kuchema kuruzhinji kuti tibatsirwe kubva kubhokisi, kudya, motokari yekutakura mutumbi uye tinotarisira kumuviga kumakuva ekuTafara Cemetery pazuva richarongwa,” vanodaro VaDunny Sere.

VaNorman Bepe (49) vanova babamudiki vaMison vanoti mwana wavo afa rufu rwunorwadza.

“Takangonzwa manheru kuti Mison Sere Mr Ugly ashaika afira muchimbuzi. Tinoti wafa wanaka asi dambudziko raivapo mwana wangu ainwa doro risina hunhu risingabvumidzwe riya nekudaro rufu rwake dzimwe nguva chikonzero chedoro iri. Hatizive kuti tichamuviga sei uye pano panhamo hapana kana chekudya kana bhokisi chairo hatizive kuti richabva kupi,” vanodaro VaBepe.

Kune vanoda kubatsira parufu rwaMison vanoridza nhare dzinoti 0775 246 914.

Mison akatora mukombe weMr Ugly mushure mekukwikwidzana naWilliam ‘Masvingo’ Masvinu (48) uyo waakakunda mushure mekunge ambouhwinha makore akatevedzana.

William Masvinu

Masvinu anoti arwadziwa zvikuru nekushaika kwemumwe waaikwikwidzana naye munyaya dzekunyangara.

“Ndarwadziwa kunzwa shoko rekufa kwemumwe wangu, Mison Sere. Hazvina mhosva, afambe mushe. Ndikawana mukana ndichaenda kunomuchema, uye ndinotarisira maSponsors edu eMr Ugly kupindira parufu urwu nekuti hapana chaainacho.

“Kune vachada kupinda mumakwikwi aya zvakare ndinokurudzira kusangana navo vakanyangara kwete zvekudzvondora nekutenderedza maziso sezvaiitwa naMison nekuburitsa rurimi kunze,” anodaro Masvinu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey