Mubairo wechivi

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
MUSEVE USINGAPOTSE

Zviitiko zvinosusukidza rungano nezvidzidzo (Tinoenderera mberi)

Rungano rwunosusukidzwa naVaMatiwanzira vanofuridzira Tapera naNyamaropa mushonga wekuti vararise vakachengeta Karinge ari muusungwa hwaMambo Chikwirandaombera. Izvi zvinobuda VaMatiwanzira pavanenge vachinyahwaira usiku vachienda kwaiva naKaringe nevamwe vake vaive muusungwa hwaPondai mavakanga vakachengetedzwa naTapera naNyamaropa.

Vanosvika ndokufuridzira Tapera naNyamaropa mushonga wekuti vakotsire. Ndizvo zvinoita kuti Karinge akwanise kuziva kuti Pondai akanga auraya baba vake achida kusara achipamba umambo hwavo uye kutiza muusungwa hwake maaida kuuraiwa achienda kunopotera kwaMambo Tineshungu.

14. Ndezvipi zvidzidzo zvisere zvemhangwa zvawakawana kubva muna Museve Usingapotse? Tsigira mhinduro yako nezviitiko zvinoburitsa chidzidzo chimwe nechimwe chawakawana. [25]

Muna Museve Usingapotse ndakadzidza kuti mubairo wechivi rufu. Izvi zvinobudiswa naPondai akaita chitadzo chikuru chekuuraya Mambo Chakaingesu ndokutora umambo hwavo nechisimba asi kumagumo chivi chaakaita chakazomuuraisa naKaringe mwanakomana wamambo.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

TAMBAOGA MWANANGU

13. Tsanangura matambudziko masere anowira Tambaoga murungano rwunonzi Tambaoga Mwanangu. [25]

Tambaoga anosangana nematambudziko anoti; Kurohwa negumbo pachirebvu, kuneta otadza kumhanyisa mhondi yakaponda baba vake, kupomerwa mhosva yekuuraya baba vake, kusungwa, kufirwa nababa vake, kutadza kutakura chitunha chababa vake, kugara musango achitya kuuraiwa, kudzipirwa amai nemunin’ina, kutorerwa bakatwa rakabaya baba vake.

14. Ndezvipi zvinoitwa naTambaoga muna Tambaoga Mwanangu zvinoita kuti timuti mutambi mukuru? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Pamubvunzo uyu munofanira kuratidza chinoitwa naTambaoga mozopa tsigiro inojekesa kufambira mberi kwerungano. Zvimwe zvaanoita semutambi mukuru: anoenda kwaive nechitunha chababa vake kuMaringa, anoviga baba vake ega, anotiza pamusangano, anoitira VaZinwamhanga mutambo aina Tapiwa, anogara musango, anobaya Chigiya pabendekete neparuoko nemuseve, anoisira VaMombeshora naVaDambanemhuka denderedzwa reropa rine museve mutsvuku pakati munzira vachienda kuChirichoga kunotora mauto, anobata mhembwe, anohwanda seri kwesasa mugota make.

15. Ndezvipi zvinoitwa naVaZinwamhanga mukuedza kuti vatore umambo muna Tambaoga Mwanangu? Sei zano ravo rega rega richitadza kubudirira? [25]

Chekutanga pamubvunzo uyu kudoma chavanoita wopa tsigiro wozotiratidza kuti sei vachikundikana kutora umambo.

Zvimwe zvingadomwe; kuuraya mambo (koneso) vanosiya ngundu, bakatwa ravo nekutadza kudzima mihwezvwa yeropa ramambo; kudzokera ngundu, bakatwa nekufushira ropa ramambo (koneso) vanosangana naTambaoga ndokutiza; kupomera Tambaoga mhosva yekuponda baba vake (koneso) anotiza achinogara musango; kupindira Tambaoga mugota make kuti vamuuraye (koneso) anohwanda seri kwesasa; kuronga zvekunotora mauto kuChirichoga (koneso) nhume VaMombeshora vanosangana naTambaoga munzira ndokutiza vasati vasvika; kuronga nemakurukota kuti mauto atsvage Tambaoga musango (koneso) Chigiya naChiroodza vanotadza kumubata.

16. Ndezvipi zvinoitika murungano Tambaoga Mwanangu zvinoratidza mararamiro echinyakare? Tsigira zvizere. [25]

Mubvunzo wakadai unenge usina kupihwa muganhu wezvinhu zvinodiwa unofanira kudoma pfungwa sere zvichienda mberi nekuti unomakwa sekuti; pfungwa 1 maki, tsigiro yekutanga 3 makisi uye dzimwe tsigiro 2 makisi kusvika dzakwana nomwe = 25 makisi.

Zvimwe zvingapihwe; madzishe ndiwo aitonga nyika, kuvhima, kunonoka kutaurwa kwerufu rwashe, umambo hwaisiirwa nevanji kana abva zera, kurwa hondo nemiseve, mapakatwa nemapfumo, kuvigwa kwemadzimambo muninga yedzinza ravo vega, usiku varume vaitandara vega padare, vamwe vanhu vaiitwa makurukota mushure mekuratidza unyanzvi hwakakura sekukurira shumba, kuridza shima kuzivisa rufu rwamambo.

Dzimwe mhinduro dzemibvunzo iyi dzizere dziri mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey