— Mudzidzisi raira —HUKAMA

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

CHINO chidzidzo chinobva mukukoka kwatinoita varairidzi kuti vadzidzise vana chiShona chamandorokwati chinonzi “MUDZIDZISI RAIRA”. Chidzidzo chino chinobva kune mumwe murairidzi ari Dewe Primary School, kuGokwe North.

Hukama hwakakosha zvikuru mukugarisana kwevanhu. Hehunoi humwe hukama hunoda kuti zivo yevana ivandudzwe. Tsananguro dzakapiwa zvichienderana nokuti uri munhukadzi here kana kuti uri munhurume.

TEZVARA:

– Baba vemudzimai wako

– Baba vemurume wako

– Hanzvadzi yomudzimai wako

– Mwana wehanzvadzi yomudzimai wako.

MUKWASHA:

– Murume wemwana wako huye madzikoma vanin’ina, hanzvadzi nevazukuru vake.

MUROORA:

– Mudzimai wemwana wako

– Mukadzi vehanzvadzi yako

SEVERE:

– Mubereki wemukwasha kana muroora wako ndisevere vako.

MUZUKURU:

– Mwana wemwana wako

– Mwana wehanzvadzi huye mwana wavatete kana uri murume.

MURAMU:

– Munin’ina wemurume kana mukadzi wako.

– Mwanasikana wehanzvadzi yomukadzi wako.

CHIZUKURUBVI:

– Mwana wemuzuku wako.

MWANA:

– Munhu wawakabereka.

– Mwana wavatete kana vakoma kana munin’na wako kana uri munhukadzi.

– Mwana wemukoma kana munin’ina wako kana uri murume.

Varairidzi makasununguka kutumira zvamunoda kuti vana vadzidze ku: Kwayedza, Box 396 Harare kana paEmail inoti [email protected]. Munogona kusiya chero kumahofisi eZimpapers kuManica Post, kwaMutare, kuChronicle Building, kuBulawayo, paHehald House muHarare, kuMasvingo, Beitbridge, Gweru kana kuChinhoyi. – MUPEPETI.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey