Mudzimai ari kungozvimba dumbu

14 Nov, 2023 - 18:11 0 Views
Mudzimai ari kungozvimba dumbu Mai Chanhasi Nyamuzuwe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI ane makore 58 ekuberekwa anova shirikadzi achigara kwaSabhuku Muswe, kwaMambo Nyajina, kuUzumba, anoti atambura nekurwadziwa nedumbu rake iro rakazvimba uye ari kutsvaga mari inosvika US$400 yekuti arapwe.

Mai Chanhasi Nyamuzuwe pari zvino vari kupepwa kumba kwasekuru vavo kuMabvuku, muHarare.

“Pandakatanga kurwara ndakaenda kuchipatara kwaMurehwa uye izvozvi ndiri kuenda kuSally Mugabe Hospital uko ndakabatwa kunzi ndine hernia, saka ndinoda kuvhiiwa. Kuri kudiwa mari inoita US$320 yekutanga neimwe pamusor. Mari iyi ndiri kuishaya saka zvikaramba zvakadai kureva kuti ndangomirira zvangu kufa,” vanodaro Mai Nyamuzuwe.

Amainini vavo, Mbuya Nester Mushambi (64), vanoti semhuri, vatambura nekuedza kurapisa Mai Nyamuzuwe.

“Uyu mwana wangu akafirwa nemurume kare, anogara nemhuri yake pamusha pedu panova panasekuru vake. Dambudziko rake iri rakatanga mugore ra2021 achingorwadziwa nemudumbu zvaisanzwisisika. Takamboedza kushandisa mishonga yechivanhu zvikashaya basa.

“Izvozvi akauya kuno kuHarare kwatiri kuedza kubatsirana naye, ari kunzi aitwe ‘scan’ iri kuda mari iri pakati peUS$320 kusvika US$400. Mari iyi yashaikwa saka tiri kukumbira kune vanokwanisa kutibatsirawo,” vanodaro Mbuya Mushambi.

Vanoti nekuda kwekuzvimba kwedumbu uku, Mai Nyamuzuwe vanogara vakafufutirwa, havagone kudya kana kurara zvakanaka.

“Mabayo anogara achirwadza mwana wangu uyu, kurara chaiko idambudziko, kana kugeza oga haagone, anotobatsirwa,” vanodaro Mbuya Mushambi.

Vanoda kubatsira mudzimai uyu vanobata Mbuya Mushambi panhare dzinoti 0788 820 877.

VaLeonard Nyamuzuwe (76), avo vanova sekuru vaMai Nyamuzuwe, vanoti dambudziko iri ravakurira zvekushaya zano.

“Hazvibatsire nekuti sehama tava kungogara takatarisa pasina rubatsiro rwatinopa nekuti mari hatina. Ini ndava pamudyandigere, motokari yangu yakafa ndiyo yaimbondipa mari.

“Tinokumbirawo kune vanogona kutibatsira kuti vatipewo mari iri kudiwa iyi US$400 kuti muzukuru wangu aongororwe agokwaniswa kunovhiiwa,” vanodaro VaNyamuzuwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey