Mugadzi ava murudo naLily

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 3 (Nyaya yacho: Enderero mberi)

Apo Mugadzi anopedza kudya kwemangwanani, anotora mabhuku ake ayo ainyora zvebhizimusi rake ndokuenda, mukadzi ndokufunga kuti murume ari kuenda kumusangano zvechokwadi nyamba ari kunanga kuMarondera uko anosvikokwaziswa zvakanaka natete Mai Gatsi. Vanomuudza kuti mukuwasha wake ainge aenda Harare.

Vatete vanobvunza kana mai Sarudzai vakazoenda kumusha iye ndokuti angavagona here.

Vanotanga kutaura nezvekuenda kwaamai Sarudzai kwavatete vavo kuZengeza, Mugadzi achiratidza kugumbuka nazvo pobva papinzwa nyaya yekuti paMarondera ipapo pane musikana akarurama ndokubva vawirirana kuti tete vakuchidzire moto. Vakanomutora kuti Mugadzi amuone ndokuona haikona kutaura, haisi tsvarakadenga iyoyo.

Mai Gatsi vapfuurira kuenda kunobika, Mugadzi anombonzwa mukanwa make kuoma. Tete vadzoka, vanoita kuti vaviri ava vazivane. Panozopera zuva Mugadzi naLily vanenge vava kukurukura, apo zuva rinonyura vanenge vatopedzerana.

Lily anomubvunza kuti zvino achazouya kuzomuona rinhi zvaava kudzokera iye ndokuti semunhu wemabhizimisi, aizogona kuuya nemusi weMugovera nguva dzichiita dzegumi sezvo pakati pesvondo zvisingaiti.

Mugadzi anooneka zvake asi mwoyo wake usingadi. Nzendo dzaMugadzi dzekuMarondera dzinotanga kuwanda zvisingazivikanwi naSekai asi mudzimai uyu anozosvika pakunyumwa nekudaro anofunga zvekumuteya nechekunowo mari achitanga kutora yakawanda.

Panopera mwedzi Mugadzi anoburitsa mari kuti aiverenge agoona kuenda nayo kubhangi atanga aisanganisa achishandisa kamuchini kanoziva samhu. Ndipo paanowana kuti mazana matatu emadhora ainge akamera makumbo.

Anodzokorora katatu kese ndokuwana mari isingakwani, kuti abvunze Sekai zvinomunetsa asi anove nekufungidzira mukadzi wake. Kuti afungidzire Masimba anoona kuti hazviiti sezvo mujaya uyu aivimba naye zvikuru.

Anozotora zvake mari ndokuenda nayo kubhanga asi anofunga zvekuteya kuti aone kana paine ari kutora mari kwava kusiya mazana maviri musefa. Mazuva maviri anopera pasina zvaaona, ndokuzoti pazuva retatu mari yati wandei ndipo apo anowana madhora makumi mana pasina.

Anobva aziva kuti Sekai ndiyo nyasire yacho asi haamubvunzi. Munhu anongotora kiyi yesefa kwava kugara nayo. Sekai haavhunduki nazvo nekuti anozviziva kuti Mugadzi ainge azvibata kuti mari iri kutsakatika achinetsekana kuti zvino mari ainge asisina mukana wekuiwana.

Anofunga zvekunoudza tete vake avo vanomuti ngaambonyarara kwemazuva achimuongorora kuti aone kana pane zvaari kufunga.

Vanomuudza kuti Robby ainge aripo achimutsvaga iye ndokuti kana akauya zuva rinotevera vamuudze auye kuzomuona kumba kwake. Fadza anotaurira muzukuru wake kuti vachaona zvavachaita kuna Mugadzi kana achifunga kuti akachenjera.

Mumba maMugadzi matotanga kunyatsodzima musisina kana nekarufaro zvako. Masimba ndiye anombobvisa kurema kwaive mumba umu nekutamba navana Sarudzai naCharles, Mugadzi ainge ofarira Marondera, Sekai achifarira kuna Robby naFadza. Nerimwe zuva Mugadzi achibva munhandare yebhora, Lily anomubvunza kuti sei asingambomukokiwo kumba kwake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey