Uncategorized

Mukadzi 1, varume 2 pamubhedha 1

21 Aug, 2022 - 11:08 0 Views
Mukadzi 1, varume 2 pamubhedha 1

Kwayedza

Gibson Mhaka ari kuHWANGE

HAKUNA vanhu vakadai . . .!

Munyaya inoshamisa, mukadzi wemumusha weEmpumalanga, kuHwange mudunhu reMatabeleland North, anonzi ari kugara nevarume vaviri – ehe 2 – muimba imwe chete avo anorara navo vose pamubhedha mumwe achivapa zvijana zvekusasana naye ipapo.

Mukadzi uyu, uyo angodaidzwa saNaEzy, anonzi ari kupengesana zvikuru naObey Mudimba naAlex Nyathi – avo vaanogara navo pamba pamwe chete.
MuZimbabwe, mutemo hautendere kuti mukadzi aite barika revarume.

Mudimba anonzi akasiya mhuri yake kuBinga Business Centre achinogara naNaEzy.
NaEzy anonziwo akasangana nevarume vaviri ava pane imwe nightclub iri kuHwange uko kwaaimbogara.
Zvinonzi mukadzi uyu ari kushaya kuti pakati pevarume vaviri ava oramba upi sezvo achinzi anovada vose – zvakafanana.

Mumwe anoziva nezvenyaya iyi anoti NaEzy akanyengedza varume ava kuti vauye kuzogara naye uye agara navo kwemwedzi yakawanda vavakidzani vake vasati vazviziva.
NaEzy anonzi anosarudza wekusasana naye pazuva uye hapana anobuda mumba kana kubva pamubhedha apo vanenge vari vatatu.

“Ari kuita zvisingafungirwe zvekugara nevarume vaviri mumba mumwe chete. Akafanana narefuri wepakati mumutambo webhora uye anoudza varume vaviri ava kuti varare pamubhedha mumwe chete naye vachichinjana kumupa rudo,” anodaro mumwe anoziva nezvenyaya iyi.

Varume ava vanonzi vanorara vari padivi nepadivi, vanoremekedzana uye zvinoita sekunge vakagamuchira nyaya yekuti vanogarisana nemukadzi mumwe.

“Mamirire ezvinhu anoshamisa uye haisi tsika yedu kuti mukadzi anogara nevarume vaviri. Zvinoita sekuti akashandisa mushonga kupusisa varume vake vaviri ava.

“Fungai kuti mumwe murume kusasana iwe uchimedzerera mate kuti nguva yako isvike?” anodaro.
Anoenderera mberi achiti: “Zvakatora nguva yakareba kuti vavakidzani vazive kuti akanga achigarisana nevarume vaviri ava sezvo aiwanzoenda kumanightclub uye achiuya nevarume vakasiyana kumba.

“Vaifunga kuti vanhu vaaigara navo vaichinjana kumushanyira kusvikira shamwari yake, iyo yakamuwana akarara nevarume vaviri pamubhedha mumwe chete, yazivisa vavakidzani vake nyaya iyi”.

Kunyangwe hazvo varume vaviri ava vasina kubatika kuti vataure, mudzimai akadaira nhare, uyo pekutanga akati ndiNaEzy, akazoti nhamba idzi dzakange dzisiridzo mushure mekunge munyori uno azvizivisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey