Mukadzi abhinywa nemakororo 3

10 Feb, 2023 - 17:02 0 Views
Mukadzi abhinywa nemakororo 3 Inspector Chakanza

Kwayedza

Arron Nyamayaro

MAKORORO matatu akapakata pfuti anonzi akadzidzana kubata chibharo mukadzi ane makore 19 okuberekwa mushure mekupfura mudiwa wake nepfuti pagumbo musango riri pedyo neSafari Lodge, munaOatland Road, kuLake Chivero, muHarare svondo radarika.

Makororo matatu asina kuzivikanwa anga akapakatira zvombo akawana Gift Mupunga (44) wekuGlaudina achirezvana neshamwarikadzi yake mumotokari yainge yakamira pedyo nelodge iyi ndokubva vati vanoda mari kubva kwavari.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanotsinhira nyaya iyi uye vanokumbira kune veruzhinji mashoko anogona kuita kuti mbavha idzi dzisungwe.

“Mapurisa ari kuferefeta nyaya yemakororo matatu aive akapakatira zvombo ayo akachinjana kubata chibharo mukadzi ane makore 19 okuberekwa mushure mekupfura mudiwa wake.

“Musi waNdira 29 nenguva dza11 mangwanani, mumhan’ari nemukomana wake vakaenda kunotandara ndokunomisa motokari yavo mumugwagwa weOatland pedyo neSafari Lodge.

“Varume vatatu vasina kuzivikanwa vakauya vakapwanya girazi repahwindo rekumberi ndokukwanisa kuvhura magonhi ose vasati vatanga kusecha motokari iyi vachida zvinhu zvinokosha nemari.

“Vakabvunza shamwarirume yemumhan’ari kwaanogara uye kana aine mari kumba,” vanodaro Insp Chakanza.

“Mukomana uyu akapindura achiti akanga asina mari kumba uye mumwe wevari kupomerwa mhosva akaburitsa pfuti ndokumupfura pagumbo rekuruboshwe. Uya akapfura murume uyu, akatora mukadzi uyu ndokuenda naye musango ndokumubata chibharo.

“Akabva amusunga maoko nemakumbo netambo dzeshangu. Vanhu vari kupomerwa mhosva iyi vakabva vaparadzanisa mumhan’ari neshamwarirume yake, ndokusiya mumwe wavo achichengeta mukomana wacho, vachichinjana kubata mukadzi uyu chibharo.

“Vakazosiya mukadzi uyu neshamwarirume yake musango vachibva vatiza,” vanodaro Insp Chakanza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey