Munyori opemha rubatsiro

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Munyori opemha rubatsiro Shupikai Whiskey achinyora negumbo rake

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUNYORI wechidiki wekwaMurehwa, uyo akaremara mitezo asi achishandisa gumbo rake pakubata chinyoreso, ari kutsvaga rubatsiro rwekudhindisa mabhuku ake maviri. Shupikai Whiskey (30), uyo anobva kwaMaruta, pasi paMambo Mangwende, akanyora mabhuku maviri nerurimi rweShona anoti “Chivi Chakadya Mwene Wacho” na”Chitsidzo” asi ari kushaya mari yekuadhindisa.

“Ndakatanga kunyora mabhuku aya mugore ra2010 ndakazopedza muna 2012. Zvadaro, mugore ra2013 ndakazobatsirwa kutaipa nemurume anonzi Leonard Cheshire wemuHarare ndichishandisa kombiyuta yake apo ndaitaipa zvakare nemakumbo. Ndakatora mwedzi mitatu kuti ndipedze kuita izvi,” anodaro Whiskey.

“Chitsidzo inyaya yemudzidzisi aiita zveSatanism uyo aipa vana vechikoro nemamwe madzimai pamiviri, apo akazogumisira adanana nemwana wake waakamitisa asingazive.”

Anoti bhuku rake rechipiri – Chivi Chakadya Mwene Wacho – rine chidzidzo chekuti munhu akaita zvakaipa zvinomudzokera mune remangwana.

Whiskey anoti akaendesa mabhuku maviri aya kunoongororwa neimwe kambani inodhinda mabhuku muHarare ikamuti inoda US$5 000.
“Ndinokumbirawo kune vanokwanisa kundibatsira kuti vandipewo mari iyi, kunyange nechikwereti zvacho nekuti mabhuku ose aya akabvumwa nekambani iyi achinzi akanaka. Handina kwandinowana mari, ndiri nherera sezvo baba vakafa uye amai vapenyu asi vachembera,” anodaro.

Whiskey anoti haana kwaakadzidzira kunyora mabhuku kunze kwekuchikoro uko akaita Form 4 paCherutombo High, kuMarondera, mugore ra2009. Kune vanoda kubatsira vanogona kumubata panhamba dzinoti 0779 973 860 kana 0713 713 759.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey