Murume apondera mwana (3) muriwo

07 Jan, 2024 - 15:01 0 Views
Murume apondera mwana (3) muriwo Asst Insp Wiseman Chinyoka

Kwayedza

Liberty Dube

MURUME wekuChipinge ane makore 28 okuberekwa akarova mwana ane makore matatu nebadza zvakaipisisa zvakaita kuti afe mushure mekunge amai vemwana uyu varamba kumupa muriwo waaida.

Benjamin Sithole akarova Agnes Sigauke nebadza mumusoro, apo akazokurirwa simba naamai vemwana uyu, Mai Getrude Mashava, ndokutorerwa badza iri.

Sithole akabva abva panzvimbo iyi ndokunanga kumunda waiva pedyo, akadzoka maminitsi mashoma akabata rimwe badza ndokurovazve Agnes mumusoro. Akawira pasi achibva afira ipapo.

Nyaya iyi yakaitika mumusha waMwatsaka kwaSabhuku Mutema.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanoti kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Vanoti pane fungidziro yekuti Sithole murwere wepfungwa.

“Sithole nemufi vavakidzani uye nemusi wa30 Zvita, Mai Mashava vakabva pamba vachinotora muriwo kushamwari yavo. Mai Mashava vaive vakabereka mwana wavo kumusana pavakasangana naSithole uyo akati vamupe muriwo. Mai Mashava vakaramba. Sithole, uyo ainge akabata badza, akabva arova Agnes kamwe kumusana. Mai Mashava vakaita mutsimba naSithole vakakwanisa kumutorera badza iri.

“Sithole akamhanyira kumunda uri pedyo ndokudzoka akapakatira rimwe badza. Akarova Agnes kaviri mumusoro. Akawira pasi ndokubva afa pakarepo. Mai Mashava vakaridza mhere vachida kubatsirwa vavakidzani ndokuuya kuzovabatsira. Veruzhinji vakabva vasunga Sithole,” vanodaro Assistant Inspector Chinyoka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey