MUSAMHANYE: DYNAMOS

06 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
MUSAMHANYE: DYNAMOS

Kwayedza

Mukombe tinogona kuutora – Muzadzi

MUTEVEDZERI wemurairidzi wechikwata chenhabvu cheDynamos FC, Gift “Umbro” Muzadzi anoti zvikwata zvinoti Chicken Inn neFC Platinum, izvo zviri kutungamira muCastle Lager Premier Soccer League, hapana kwazvinosvika nekuti DeMbare haisati yatanga kumuka chibhebhenenga mukurwira mukombe uyu mumazuva ekupedzesera kuti mwaka upere.

Pasara mitambo mina chete kuti makwikwi ePSL achisvika kwamvura yacheka makumbo uye vatsigiri vazhinji venhabvu vari kufunga kuti DeMbare yakarasa mikana yakawanda mwaka uno kuti ichengetedze mukombe uyu.

Vamwe vari kuti mukombe uyu unogona kuhwinwa neChicken Inn iyo inozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti maGamecocks kana kuti neFC “Kugona Kunenge Kudada” Platinum.

Asi muhurukuro naUmbro svondo rino, anoti zvikwata zviviri izvi ngazvimbomire kupemberera zvichifunga kuti zvahwina nekuti mutambo uyu hausati wapera.

Umbro anoti mitambo mina yasara yakawanda uye pamitambo iyi panoitika zvakawanda chaizvo zvinogona kuvhurira DeMbare mukana wekuhwina mukombe uyu kechishanu mumakore akatevedzana.

“Vanhu chavasingazive ndechekuti mitambo mina yakawanda chaizvo uye panoitika zvakawanda.

“Isu tinofanirwa kungohwina mitambo yedu yose yasara chete. Tinoziva kuti Chicken Inn neFC Platinum zvichakundwa chete, hazvingahwine mitambo yazvo yose.

“Chinhu chandinoziva ndechekuti kana usingazive kuhwina, kana mukana wauya wekuti uhwine, unogona kurohwa nehana. Mukana unouya kamwe chete saka ukasabatisisa unogona kuzvishaya,” anodaro Muzadzi.

Mwaka wadarika, ZPC Kariba yakarwa semvumba mumitambo yemuPSL ikapotsa nepadiki yahwina mukombe uyu asi yakazokundwa pazuva rekupedzisira neCAPS United.

Izvi zvakabva zvavhurira Dynamos mukana ndokuhwina mukombe uyu.

Mugore ra2013, Harare City, iyo yainge yakabata mukombe uyu neruwoko rumwe chete, yakazoubvutirwa pazuva rekupedzisira mushure mekunge yaita mangange neCAPS United 2-2, ndokubva DeMbare yautora.

Umbro anoti inyaya yekuti zvimwe zvikwata zvemuPSL hazvizive chinonzi kuhwina mukombe ndokusaka zvichizovhunduka pazuva rekupedzisira izvo zvinoita kuti DeMbare iwane mukana wekuhwina.

“Tinogara tichizviona gore roga-roga kuti panouya chimwe chikwata chinoda kuvhundutsira, isu manje hativhunduke.

“Bhora rinopera asi kana richiri kutambwa hatiti rapera. Mitambo mina iri kutevera iyi ndiyo ichataura zvakawanda,” anodaro Muzadzi.

DeMbare mumitambo yayo yasara ichasangana neCAPS United, Dongo Sawmill, Chapungu United neBuffaloes uye inofanirwa kuhwina yose kuti iwane mukana wekuchengetedza mukombe uyu asi ichinamatawo kuti Chicken Inn neFC Platinum zvigorasa zvibodzwa mumitambo yazvo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey