Musiyano weHIV neAIDS

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Musiyano weHIV neAIDS

Kwayedza

7. VATAMBI vazhinji vari muna Dare Retariro havana ruzivo pamusoro pechirwere cheshuramatongo. Tsigira pfungwa iyi nezvinhu zvishanu. [25]

Vatambi vari muna Dare Retariro vanoratidza kusaziva musiyano weutachiona hweHIV nechirwere cheAIDS. Izvi zvinobuda pachena zuva rinoperekedzwa Tandi kukiriniki yepaMutapi kunonyoresa pamuviri namaiguru vake, Hazvinei. Anoudzwa namukoti Sibanda kuti aive neutachiona hweHIV ndokutanga kuchema achiti ndanzi ndine AIDS. Izvi zvinoratidza kuti aisaziva musiyano weutachiona hweHIV nechirwere cheAIDS.

Munyaya iyi vatambi vanoburitswa pachena kuti havazive nezvechirwere cheshuramatongo pavanotevedzera zano rekunyepa ravanoudzwa nen’anga kuti raipedza utachiona hweHIV. Tinojekeserwa nemunyori kuti Zvidzai akanga anyeperwa nen’anga yainzi Zinorengwe kuti akarara nemhandara utachiona hweHIV hwaaive naho hwaibva hwapera muropa rake asi paanozviita arara naTandi aive mhandara, anoona utachiona uhu husina kupera.

Mubhuku iri vatambi vanoratidza kusaziva maparariro eutachiona hweHIV. Izvi tinozviona kuna VaMandionei vanoti kuna Tandi akanga achirarama neutachiona hweHIV, aisafanira kushandisa midziyo imwe chete neyavaishandisa nekuti aizovatapurirawo utachiona uhu. Apa vanoratidza kushaya zivo yekuti utachiona hweHIV hunobatira huchitevera kutapurirana ropa kwete kudyidzana nevanhu vanaho.

Muna Dare Retariro vatambi vanoratidza kusaziva nezvechirwere cheshuramatongo pavanofunga kuti munhu akabatwa neutachiona hweHIV ave kutofa. Izvi zvinoonekwa kuna Muchaneta anonzwa kuti maiguru vake, Tandi vakanga vaonekwa kukiriniki kuti vaive neutachiona hweHIV, anomhanyira kuridza mhere ndokutotanga kuona rufu rwaTandi, Zvidzai nemwana wavo. Haana kuziva kuti Zvidzai, Tandi nemwana wavo vaikwanisa kutorarama kwenguva refu, kana vatevedzera zvese zvavaizenge vachiudzwa nanachiremba.

Mafungiro evatambi vari muna Dare Retariro ekuti mwana anozvarwa namai vane utachiona hweHIV anahowo anojekesa kushaya kwavo zivo maererano nezvekupararira kweutachiona uhu.

Tinozvijekeserwa nemunyori VaMandionei pavanobvunza Tandi kuti ko, mwana wake waaizozvara aisazobatirawo utachiona hweHIV here kuburikidza nezvaaidya saamai.

Izvi zvinoratidza kusaziva kuti ropa remwana rinenge risina utachiona uye aizodzivirirwa pakuzvarwa kuti ropa rake neraTandi risasangane.

8. “Amai munonyadzisa. Chokwadi, bhachi renyu rokuchechi pisai!” p.58. Mutsara uyu wakatorwa muna Dare Retariro. (i) Ndiani akataura mashoko aya? (ii) Aitaura nani? (iii) Tsanangura zvinhu zvinojekesa mashoko aya kubva munyaya. [25]

(i) NdiMoses akataura mashoko aya.

(ii) Moses aitaura naamai vake, VaMandionei.

(iii) Mashoko aya anozadziswa nemabasa akaipa aiitwa naVaMandionei asi vari mutungamiri wemamwe madzimai eruwadzano kuchechi yeRoma. Kubva munyaya iyi chinoitwa naVaMandionei chinopikisana nechiKristu kurova. Tinozviona pavanorova muroora wavo Tandiwe mbama. Apa vaimurovera kuti akanga anotora mufundisi wavo Baba Madzore kuchechi yeRoma achida kuti vavayananise vagare vese zvakanaka.

Kutuka ndiko kumwe kunoita kuti VaMandionei vazoudzwa mashoko aya naMoses.

Izvi zvinobuda pachena pavanotuka Tandi zuva raasandudzirwa naZvidzai achidonhera pasi negotsi. Vanotanga kumutuka vachiti ipfambi yaida kunenera mwanakomana wavo Zvidzai mhosva yenhumbu isiri yake.

Chinoita kuti VaMandionei vazotaurirwa mashoko aya naMoses rusarura rwavaiita. Zvinoonekwa pavanopa Tandi midziyo ine rupau yekuti atange kuzvibikira ega nekuti aive neutachiona hweHIV hwavaitya kuti aizovazadza kana vakaramba vachishandisa midziyo mimwe chete naye.

Chinoitwa naVaMandionei chinofambirana nemashoko aya kubva munyaya kunyepa. Izvi zvinonyatsobuda pavanoenda muberevere mehozi yairara Tandi muna Moses naMuchaneta.

Vanenge vachitaura naTandi ndokutanga kuridza mhere vachiti Zvidzai anenge atofa nekuda kwake asi vachiziva zvavo kuti aive kuDangamvura kwaaiita zvechihwindi kumakombi.

Unhu hwaVaMandionei hunoenderana nemashoko aya nekuti vaivenga muroora wavo, Tandi.

Tinonzwa nezwi remunyori kuti vakanga vachiti vakaona Tandi vainzwa hasha dzakanyanya nekuti vaiti akanga aputsa musha wavo. Chaipa kuti vadaro kutiza kwakanga kwaita Zvidzai pamusha achienda kwaMutare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey