Mvura ine dutu youya: MSD

30 Oct, 2023 - 21:10 0 Views
Mvura ine dutu youya: MSD Zimbabwe iri kutarisirwa kunaya mvura yakawanda iyo ichange iine dutu nemabhanan’ana kutanga Muvhuro uno kusvika neChishanu.

Kwayedza

Precious Manomano

ZIMBABWE iri kutarisirwa kunaya mvura yakawanda zvekudzika pasi kusvika 30mm iyo ichange iine dutu guru remhepo nemabhanan’ana kutanga Muvhuro uno kusvika neChishanu.

Muchiziviso, bazi reMeteorological Services Department (MSD) rinokurudzira veruzhinji kuti vatore matanho ekuzvidzivirira pamwe nezvipfuyo nezvirimwa zvavo.

Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vagare mudzimba panguva yekunaya kwemvura ine mabhanan’ana uye kuti vasiyane nekushandisa midziyo yemagetsi sezvo vachikwanisawo kurohwa nemheni.

“Hore yemvura kubva kuAtlantic Ocean iri kupinda munyika zvishoma nezvishoma ichibva nekuBotswana. Yakapinda kumiganhu yekumadokero kwenyika neMugovera manheru uye ichapararira nyika yose kusvika Chishanu svondo rino. Izvi zvinofanira kukonzera mabhanan’ana kunzvimbo zhinji dzenyika,” rinodaro bazi iri.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti kana zvichibvira vagadzirise matenga edzimba anobvinza mvura uye kuisa midziyo inodzivirira kurohwa nemheni (surge protectors kana lightning conductors) kana zvichikwanisika.

Nyanzvi munyaya dzezvekurima dzinokurudzirawo varimi kuti vadyare mbesa kana mumatunhu avo akanaya mvura inodzika pasi kubva pa20 kusvika 30mm.

Varimi vazhinji vakapedza kugadzirira minda uye vave kumirira mvura kuti vadyare zvirimwa zvavo.

Veruzhinji vacharamba vachiziviswa mamiriro ekunze neveMSD nekufamba kwenguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey