Mvura yowanda muLake Kariba

13 Feb, 2023 - 10:02 0 Views
Mvura yowanda muLake Kariba Kariba Dam

Kwayedza

Walter Nyamukondiwa ari kuKARIBA

MVURA yemudhamu reKariba, iyo yanga yadzikira zvakanyanya munaZvita gore rapera, yave kutanga kuwanda izvo zvinonzi zviri kukonzerwa nekunaya kwemvura yakawanda uye ine dutu, yeCyclone Cheneso zvinova zvave kuita kuti basa rekukwenywa kwemagetsi rifambe zvakanaka.

Cyclone Cheneso yakatanga nedutu remhepo nemvura yakawandisa pedyo nenyika yeMadagascar zvikaita kuti pafe vanhu vanosvika 25 nekubviswa kwevanhu zviuru kubva panzvimbo dzavanogara.

Mvura yemuKariba yawedzera nechikamu che7,13 percent chinoshandiswa pakubika magetsi mushure mekunge yaderera kusvika pa0,8 percent gore rapera.

Kariba yakavhurwa muna1960.

Pane fungidziro huru yekuti mvura yemudhamu iri inogona kuwedzera nemita imwe chete kana kukaramba kuchinaya.

Nyanzvi dzezvemvura dzinoti pane tarisiro yakanaka yekuti mvura ichawanda sezvo rwizi Zambezi rwuri kuwedzera mvura panzvimbo dzinotarisirwa huwandu hwayo dzinoti Chavuma, Ngonye neVictoria Falls.

Kubva munaZvita gore rapera, chiteshi cheKariba South Power Station uye kusvika pakati pemwedzi uno, Kariba North, zvange zvichiwana mvura yange ichipinda mudhamu iri yakaderera.

Kufamba kwemvura uku kwaiita kuti mishina inoshandiswa pakubika magetsi irambe ichitenderera apo Kariba South iri kukwenya magetsi anosvika 300MW kana zvichienzaniswa ne1 050MW anotarisirwa kunge achiwanikwa pazuva.

Zviteshi izvi hazvife zvakavhara zvachose sezvo rwizi rwuchiyerera nemudhamu umu zuva nezuva asi kana mvura iri shoma, hapana magetsi akawanda anobikwa nezviteshi zviviri izvi kunze kwekunge kana yatanga kuyerera yakawanda zvakare.

Boka reZambezi River Authority riri kutarisirwa kuongorora mamiriro akaita mvura muchikamu chekutanga chegore rino kuitira kuti paonekwe huwandu hwemvura inoendeswa kumagwenya kuti pabikwe magetsi.

Nyanzvi yezvemvura, Engineer Samuel Mwale, vanoti Cyclone Cheneso yaita kuti mvura iwedzere muKariba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey