Mwana (14) ari kutsvagwa

16 May, 2023 - 16:05 0 Views
Mwana (14) ari kutsvagwa Mitchell Gwashavanhu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MHURI yekuChitungwiza iri kutsvaga mwanasikana wavo, Mitchell Gwashavanhu (14), uyo akashaikwa nemusi wa1 Kurume gore rino apo akabva pamba achienda kuchikoro kuTransparency College iri muChitungwiza mekare.

Mwana uyu anga achiita Form 1 uye nyaya iyi yakatomhan’arwa kumapurisa eko ine nhamba dzinoti: RRB 5470833. Akapedzisira kuonekwa akapfeka tracksuit yechikoro yegreen ine ruvara rweyero kumacheto.

Vane ruzivo maringe nekune mwana uyu vanokwanisa kutaurira mapurisa ari padyo navo kana kuchaya nhare dzinoti: 0785579966 kana 0772236671

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey