Uncategorized

Mwana uri kudei apa?

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

BVUNZA KWAYEDZA NASEKURU MUTANGA

MUBVUNZO:

Makasimba here sekuru? Ndiri murume ane makore 60 okuberekwa, ndakaroora uye ndine vana vatanhatu vakomana vatatu nevasikana vatatu vese vatova nemisha yavo. Vazukuru vangu igumi. Dambudziko rangu nderekuti mudzimai wangu ave nemakore maviri asingabvume bonde neni. Patakatanga kunetsana, mudzimai wangu akabva ati ava kuenda, achindisiya. Mwana wangu mukomana akabva apindira nyaya yacho ini ndokumubvunza paina amai vake, kuti nyaya yekunetsana kwedu sevabereki aiwanirepi? Vose havana kundipindura. Ndoita sei, ndofa nenyota makumbo ari mumvura here?

 

MHINDURO:

Vazukuru vangu mose, kusanganisira uyu mukuru ane dambudziko uyu, kakawanda kacho mweya wakaipa unogona kukonzeresa kusagadzikana mudzimba umo. Chionai chembere idzi dzave kuda kuparadza musha nekuda kwezvinhu zvinogona kutauriranwa zvichipera.

Ndinoti uyu mweya wakaipa nechikonzero chekuti imi vanhu matove sekuru nambuya, saka chamuchanetserana chii? Kana iko kuda bonde kwacho, nezera irori?

Handisi kuti musaite bonde asi dzimwe nguva mudzimai iyeye haachisina shungu nazvo, yatova tsvina kwaari saka usazomufungira kuti ave kuita zvezvikomba. Zvine zera zvinhu izvi.

Ndinoti garai pasi mutaurirane kwete kunetsana. Kana zvichida kuti mutaure hama dzemukadzi dzakaita saambuya kana madzitete itai saizvozvo.

Uyo mwanakomana ari kutokanganisa kupindira munyaya dzevabereki. Zvinomukamuudza zvamuri kunetserana achati kudii? Vana musaite tsika dzekutora mativi muchipindira munyaya dzemubedroom mevabereki nekuti mangwana munozoshaya kwekunyarira.

 

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey