Namibia yakasima miti

02 Apr, 2015 - 21:04 0 Views
Namibia yakasima miti

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
MUMIRIRI wenyika yeNamibia muZimbabwe, VaBalbina Daes Pienaar, vari kurumbidza chirongwa chekusima miti muzvikoro nenharaunda dzakapoteredza icho chiri kutsigirwa neFriends of the Environment (FOTE), iyo iri pasi peNyaradzo Group, yakabatana nebepanhau reKwayedza.

Vakapa rumbidzo iyi svondo rapera pamusha weMashambanzou Care Trust, muHarare mushure mekusima muti wemuchero panzvimbo iyi pasi pechirongwa ichi.

Mimwewo miti yemichero yakasimwa panzvimbo iyi inosanganoisira mitohwe, migwavha nemimango.
Chiitiko ichi chakaitwa pazuva iro Namibia yaipemberera kusvitsa kwayo makore 25 yawana kuzvitonga kuzere.

Ambassador Pienaar vanoti miti yemichero yakakosha sezvo ichibatsira mukuchengetedzwa kwenharaunda pamwe chete neutano hwevanhu.
“Mukupemberera kwedu kuzvitonga kuzere, tiri kufara chaizvo nekubatana kwatakaita neFOTE sezvo vatipa miti yekuti tisime pano paMashambanzou Care Trust. Ndine chishuviro chekuti nyika yeZimbabwe neNamibia dzirambe dzakabatana mukukurudzira kuchengetedzwa kwenharaunda kuburikidza nekusimwa kwemiti.

“Ndinotendawo zvakare veMashambanziou avo vari kukurudzira utano hwakanaka nekutora vane zvirwere zvinonetsa vachivachengeta pano. Miti yasimwa iyi tanzwa kuti inobatsira zvakawanda zvine chekuita neutano pamwe chete nekurapwa kwevanhu,” vakadaro.

Vachitaura vakamirira FOTE, Muzvare Patience Fusire vakati miti yemichero yakakosha zvikuru kune veruzhinji sezvo ichabatsira mukuvandudza utano hwavo.

Vanoti mimwe michero inobatsira pakurwisana nezvirwere.
“Pano paMashambanzou inzvimbo inochengeterwa vanhu vanobatsirwa kazhinji kuti utano hwavo humire zvakanaka. Chinangwa chedu chikuru sesangano mukusima miti iyi kuti ive inobatsira varwere vanenge vari pano kuti vazova neutano hwakanaka.

“Tine chishuviro chekuti mumakore mashoma ari kutevera munhu wose anenge achigara pano ange achikwanisa kudya muchero mumwe chete pazuva. Ndokusaka tauyisa michero yakasiyana inoibva nguva dzakasiyanawo,” vakadaro.

Pagungano iri paivewo nevamiriri vedzimwe nyika idzo dzinosanganisira South Sudan, Malawi, Angola neNigeria.
Musi uyu kambani yeNyaradzo Group yakapawo zvakare Mashambanzou Care Trust mibhedha yevanogarapo.
Zvakadaro, FOTE pamwe chete neKwayedza vakanosima mimwe miti inosvika 105 pachikoro cheWindview Primary School chiri kuZimre Park, kuRuwa svondo rapera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey