New Curriculum inoita – Maticha: ‘Ndipo panobuda matarenda evana’

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
New Curriculum inoita – Maticha: ‘Ndipo panobuda matarenda evana’ Vamwe vevarairidzi vaiva pamusangano, (kubva kurudyi) Mai Patricia Chiusala, Mai Regina Katambetambe, VaPardon Muza, Mai Ngaatendwe Mupavaenda naMai Prisca Sinyoro

Kwayedza

Abel Ndooka
VARAIRIDZI vemuzvikoro zviri muHarare vari kurumbidza chirongwa chekuvandudza dzidzo yepuraimari nesekondari, cheNew Curriculum, vachiti chakanaka sezvo chichipa vana mukana wekuratidza zvipo zvavo kunze kwekungogona kunyora nekuverenga mabhuku bedzi.

Kwayedza svondo radarika yakaita hurukuro nevamwe varairidzi pachikoro cheGirls High, muHarare, apo vaive pamusangano wezvidzidzo zvePhysical Education neMass Displays (syllabus interpretation workshop) uyo wakaitwa kwesvondo rose. Varairidzi ava vanoti vakabatsirika zvikuru pamusangano uyu.

Mai Patricia Chiusala vepaRuvheneko Primary School vanoti vakadzidza zvakawanda pamusoro pePhysical Education neMass Display.

“Ndadzidza kuti apo tinenge tichiitisa vana PE paye, tinenge tichitovadzidzisa zvidzidzo zvose zvingave chiRungu kana masvomhu.

“Kuudza mwana kuti kandira vamwe bhora nechiRungu anenge achitodzidza mamwe mavara uye zvidzidzo zvose ipapo zvinenge zvichitobuda,” vanodaro.

Mai Ngaatendwe Mupavaenda, avo vanodzidzisa paGlen Norah Infill Primary, vanorumbidza New Curriculum vachiti inopa vana mikana yekuratidza zvipo zvavo zvakasiyana.

Vanoti vamwe vana vane matarenda mune zvemitambo saka zvakakosha kuti vange vachiwana rutsigiro ruzere rwekuumbiridza zvipo zvavo.

“Kare taingoziva kuti kuverenga mabhuku ndiko chete kunokuitisa kuti ugobudirira, asi tave kuziva kuti kuburikidza nemitambo chaiyo, vana vanobudirira kuita upenyu hwakanaka uye vanotosvika kure nazvo. Saka ngativatsigirei mune zvavanogona uye tovatsvagira zvekushandisa kuti vagobudirira,” vanodaro Mai Mupavaenda.

Mai Prisca Sinyoro, avo vanova murairidzi paEmerald Hill School for the Deaf, vanoti chikoro chavo chine vana vakawanda vane matarenda emitambo yakasiyana uye New Curriculum iri kuvabatsira kuti vasimbaradze zvipo izvi.

“Isu kuchikoro chedu tine vana vakawanda vane zvipo mumitambo yakasiyana uye tiri kuzviona neNew Curriculum kuti inobatsira zvikuru,” vanodaro.

VaPardon Muza vepaSt Peters Secondary School, kuMbare, vanotiwo nekuuya kweNew Curriculum, vana vave kukwanisa kusarudza zvavanoda kuita mune ramangwana ravo – zvingave zvemitambo kana zvemabhuku – asi chikuru ndechekuti vanoda kupihwa rutsigiro rwakasimba pane zvose zvavanoita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey