Ngezi Platinum yodongorera mupsl

30 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

MURAIRIDZI weNgezi Platinum FC iyo iri kutungamira muNorthern Region Division One League, Kiston Kadurira, okurudzira chikwata chake kuti chisarivare apo kwasara mitambo mina chete kuti ligi iri richisvika kwamvura yacheka makumbo.

Ngezi Platinum ndiyo yange ichitungamira iri pamusoro pelog mwaka wese uye kubva pamitambo 30 yayatamba yakahwina 19, ikaita mangange 10 ndokukundwa kamwe chete.

Chikwata ichi chine zvibodzwa 67, chichiteverwa neZRP Football Club nezvibodzwa 50.

Kwasara mitambo mina chete kuti ligi remuNorthern Region Division One ripere uye Ngezi hapasisina chikwata chichakwanisa kuibata kunyangwe ikakundwa mumitambo yese.

Zvakadaro, Kadurira anoti kunyangwe hake achifara nematambiro ange achiita chikwata chake mwaka uno, mitambo mina yasara iyi ndiyo yakakosha uye vanofanirwa kuishandisa kuti vatore zvibodzwa zvimwe zvakawanda. Svondo rino Ngezi Platinum ichange iri pamusha apo ichasangana neDSTV uye mimwe mitambo yavo yasara ichatamba neZRP Morris, Starbill neZatex.

“Mitambo yedu mina yasara iyi ndiyo yakakosha zvikuru, tinofanirwa kuhwina yese kuti titore zvibodzwa zvakawanda.

“Tinofara hedu nematambiro atange tichiita mwaka uno asi tinofanirwa kuramba tichikavira bhora mberi. Tinoda kutambira kupinda muPremier League zvine mutsindo,” akadaro Kadurira.

Zvakadaro, mune mamwe maligi emuDivision One, kuCentral Region, Boarder Strikers ndiyo iri kutungamira nezvibodzwa 60 kubva mumitambo 27, ichiteverwa neTongogara iyo ine zvibodzwa 48.

Border Strikers inofanirwa kuhwina mitambo yayo mitatu yasara kana ichida kupinda muPSL gore rinotevera.

KuSourthern Region, Bulawayo City yakahwina tikiti rekupinda muPSL gore rinouya mushure mekukunda muligi iri uye ichiri nemutambo mumwe chete wasara.

Kubva pamitambo 29, Bulawayo City yakwanisa kutora zvibodzwa 68 uye inoteverwa neBulawayo Chiefs iyo ine zvibodzwa 61.

MuEastern Region, Hartley Academy neMutare City zvakarumana uye zvese zviri kurwira kuenda pamusoro pelog.

Kubva pamitambo 27, Hartley Academy ine zvibodzwa 56 iyiwo Mutare City iine 54.

Zvikwata zviviri izvi zvikatadza kuhwina mitambo yazvo yese yasara zvinogona kuzviruza nekuti zvimwe zvakaita seMasvingo United, Mutoko Traders neMasvingo City zviri kufemera mugotsi mazvo zviine zvibodzwa 51.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey