NGWARATI

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

NGWARATI
(“Kurwa sengwarati,” “Zvaiwana ngwarati kudya irere”)
NGWARATI imhuka yemusango yakakura kunge mombe, asi iyo iine nyanga nhete, dzakapinza uye dzakanongedzera kumashure. Ngwarati imhuka yaityiwa kwazvo nevavhimi makare-kare nekuti yaizivikanwa nekurwa zvikuru. Ngwarati yaigona kuuraya imbwa zhinji, uye payaizourayiwa painge parwiwa zvinotyisa. Nekuda kwekuti haingourayiwa nyore, vanhu vanoti, “kurwa sengwarati,” vachireva kurwa kunotyisa. Uye, nekuda kwekuti ngwarati haisi mhuka yekungodheerera, vanhu vanotiwo, “Zvaiwana ngwarati kudya irere,” kana vachireva kuti munhu anozivikanwa nekuzviitira zvinhu zvake achinge akundikana nekuda kwechimwe chinhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey