‘Ngwarirai makoronyera’

13 Mar, 2015 - 13:03 0 Views
‘Ngwarirai makoronyera’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vefodya svondo rino vakayambirwa kuti vashandise mari yavo zvine hungwaru uye kuti vangwarire makoronyera ayo anogona kuvarozva kuburikidzwa nekuvatengeserwa zvinhu zvakasiyana zvakaita semidziyo iyo inenge isina kusimba.

Kurudziro iyi yakaitwa nemapurisa pamwe nevakuru vemakambani emisika inotenga fodya akasiyana.

Chief executive officer weBoka Tobacco Auction Floors, Muzvare Rudo Boka,  vanoti vane chikwata chevashandi vanofamba vachipa chenjedzo kuvarimi vanouya pamusika wavo kuti vasangotenga zvose-zvose kuvanhu zvikuru motokari, mahinjini akasiyana nezvimwewo.

“Ukama hwedu nevarimi hwakasimba zvikuru, hatidi kunzwa varimi vanonzi vabirwa mari yavo kana kutsotswa pano paBoka. Tine zvitoro zviri pano zviri pamutemo zvinotengesa zvose zvekurimisa nevanotengesa motokari pamahofisi edu kwete vekunze. Saka varimi vedu vakaona vanhu vavasinganzwisise ngavazivise vashandi vedu vanoita basa rekurindira kana mapurisa kuti tidzivirire makoronyera aya,” vakadaro Muzvare Boka.

Vanoti zvinorwadza kuti  murimi anopedza gore rose ari mumunda achirima fodya ozotenga motokari inofamba kwezuva rimwe chete yobva yafa.

Managing director wePremier Tobacco Auction Floors, VaPhilemon Mangena, vakatsinhirawo vachiti varimi ngavazive kuti kana vachirima fodya vanenge vachishandira mhuri yavo kwete kuti vozopedzera mari kumafaro.

“Isu hupenyu hwedu huri mumawoko evarimi saka tinoda kuti vachengetedze mari yavo vokwanisa kudzokera muminda zvakare kuti varambe vachiuya pano votengerawo mhuri zvadzinoda sevanhu vaishanda vose,”  vakadaro VaMangena.

VaJames Mutambanesango vanova managing director weTobacco Sales Floor vakakurudzira varimi kuti vatenge, ingave midziyo kana zvimwe, zvavangada muzvitoro zvinozivikanwa.

Zvakadaro, mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vakayambirawo varimi, zvikuru vechirume, kuti vasiyane nenyaya yekupinda mumabhawa vaine mari zhinji kana kutenga zvinhu mumugwagwa.

“Vasikana vaye variko vakamirira kudya varimi, idzowo mbavha dziriko dzakamirira kuba nekutengesa zvinhu zvechitsotsi saka tiripo kuvachengetedza. Varimi musatenge motokari pamarobhotsi veduwe-e munobirwa. Mota haitengwe semabhanzi pane zvinotevedzwa, mapurisa edu aripo kukuzivisai zvose zvinodiwa,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey