Nhamo yekuitiswa mimba uchiri pachikoro

26 Oct, 2022 - 17:10 0 Views
Nhamo yekuitiswa mimba uchiri pachikoro Memory nemewana wake

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZVIKORO neveruzhinji vanoda dzidziso yakasimba pamusoro pemutemo weEducation Amendment Act uyo unopa mvumo yekuti vanasikana vanenge vapihwa pamuviri varambe vachidzidza sezvo vakawanda vavo vasiri kuenderera mberi nefundo mushure mekumitiswa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Izvi zvakabuda pagungano rakaitwa nguva pfupi yadarika pachikoro cheAmandas Junior School chiri kuConcession, kudunhu reMashonaland Central rekucherechedza zuva reInternational Day of the Girl Child apowo varairidzi vaicherechedza World Teacher’s Day.

International Day of the Girl Child rinocherechedzwa musi wa11 Gumiguru kuchiti World Teacher’s Day richicherechedzwa musi wa5 Gumiguru.

Chirongwa ichi chaitsigirwa nesangano reFarming Educational Trust (FACET), Education Coalition of Zimbabwe (ECOZ), bazi rezvemadzimai nekusimudzirwa kwenharaunda, bazi revechidiki pamwe neNational Association of School Heads (NASH).

Donzvo guru raive rekuona kuti vanasikana vawaniswa mukana wekuenda kuchikoro, zvikuru avo vakamitiswa.

Kwayedza yakakurukura nevamwe vevanasikana ava ikanzwa nhunha dzavo.

“Ini ndakaitawo misikanzwa yangu ndichitamba nevakomana ndikamitiswa ndiine makore 15 ekuberekwa ndichiita Grade 7. Ndakabva ndasiira chikoro panzira ndichienda kunobara.

“Ndakazosiira vabereki vangu mwana ndikaenda kunonyora bvunzo dzangu dzeGrade 7 ndikabuda ne10 units. Mwana wangu ava nemwedzi mipfumbamwe azvarwa, ndiri kumuyamwisa asi handina zvinondikwanira.

“Baba vake vaive nemakore 18 ekuberekwa asi vakaramba kunditora saka ndinogara nevabereki vangu. Shuviro yangu ndeyekuti ndidzokere kuchikoro pamwe upenyu hwangu hunosanduka. Chikoro ndinogona chaizvo uye ndakatodzidza kuti kumhanyira zvevarume hakuna chimuko,” anodaro Memory (16).

Wizbert Kurevakweshu anova mentor kuFACET anoti ndivo vari kutsigira mwana uyu nemazano ekuti asarase tariro yekudzokera kuchikoro pamwe nevamwe vanasikana vemunharaunda iyi.

Salom Bisiwazi (23), uyo anogara kuWard 14 kuMazowe, anoti akagumira Form 3 mushure mekufurirwa neshamwari.

“Ndakaita zvevakomana ndikaita vana vaviri zvikaita kuti ndikundikane kuenderera mberi nechikoro nekuti vabereki havana kuzowana simba rekunditsigira mudzidzo. Chikoro ndinochida chaizvo,” anodaro.

Chipo Kamoto (24) anoti akagumira Form 4 akapasa zvimwe zvidzidzo asi zvimwe akakundikana nekudaro akashairwa mari yekuti anyorere zvaakatadza.

Joan Shamhu (19) anotiwo akagumira Form 6 akabuda ne9 poinzi nekudaro ane shuviro yekuendawo kukoreji kana kuyunivhesiti.

“Pane vamwe baba vemunharaunda medu vakasarudza kundibhadharira mari yechikoro kuburikidza nemwoyochena wavo kusvika ndanyora bvunzo dzangu dzeForm 6. Vakazosvika pakugumirwa vakati havachakwanisi ndopakapererawo dzidzo yangu,” anodaro.

Zvakadaro, Respect Tsvanhu anova murongi kusangano rinotsigira vanasikana maringe nenyaya dzedzidzo uye utano hwesikarudzi anoti vazhinji vavo vanogara munzvimbo dzakadai sekumapurazi vane raramo yakaoma kana zvichienzaniswa nevari mumaguta nekudaro vanoda kutsigirwa.

“Vana vazhinji muno vari kuroorwa vari vadiki nezvigure, makorokoza kana kungomitiswa vosiira chikoro panzira. Ibasa remunhu wose kuti ange achivatsigira vadzokere kuchikoro nekuti tinoona kuti kazhinji vabereki vanoshaya hanya yekuendesa mwanasikana kuchikoro nekuti anenge aita pamuviri vachiti ava kuziva varume. Isu tinoti ngatipei vana mikana yechipiri kunyangwe zvavo vakaresva.

“Nemusi wa24 Nyamavhuvhu 2020, Hurumende yakadzika mutemo weEducation Amendment Act uyo unorambidza kudzingwa chikoro kwevanasikana vanenge vaita pamuviri. Mutemo uyu unorambidza zvekare kurohwa kwevana kana kudzingirwa mari yechikoro.

“Donzvo guru riri rekuona kuti vana vawaniswa dzidzo izere zvinova zvinobatsira kubudiriro yenyika,” anodaro.

Primrose Tariro Manuwere anova provincial development economist kuMazowe District anotiwo vabereki, varairidzi nevakuru vezvikoro vazhinji vanoda dzidziso maringe nemutemo uyu sezvo vanasikana vari kumitiswa vachiri kuramba vachigara mudzimba.

“Ongororo yakaitwa mudunhu rino, inoratidza kuti mwanasikana mumwe chete pakati pevana (4) vega-vega vane makore anobvira pa15 kusvika 19 okuberekwa havasi muzvikoro kana muzvirongwa zvekufundira mabasa. Asi pavanakomana, mumwe chete pagumi ndiye asiri kuenda kuchikoro.

“Kana tikadzidzisa vanasikana tadzidzisa nyika uye vana vavanobara havazorasikirwiwo nedzidzo,” anodaro

Inspector Susan Chamani vekuchikamu chemapurisa cheVictim Friendly Unit kuConcession vanoti zvakakosha kuti vana vachengetedzwe uye nyaya dzose dzekumbunyikidzwa kwavo dzinofanirwa kumhan’arwa nenguva.

Mai Judith Hove vanova Mashonaland Central provincial development officer kubazi remadzimai, nharaunda nekusimudzirwa kwemabhizimusi madiki neari pakati nepakati vanoti varairidzi vanoda kusimudzirwa kuti vaite basa ravo nemazvo uye vanasikana vanofanirawo kupihwa mikana yakangoenzana neyevakomana, zvikuru munyaya yedzidzo nemabasa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey