Nhengo dzemutauro nemanyorerwo adzo

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga—

HATIKWANISE kuvhara nhaurwa yekunyora kwakanaka tisina kubata nhengo dzemutauro nemanyorerwo adzo. Zvakakosha kuti tibate pamwongo ipapo kuitira kuti hwaro hwekunyora kwakanaka huve hunozadzikiswa.

Taive tati tavhara chirongwa muchikamu chakapfuura asi mukutaura nezvidza zvefundo, ndaona zvakakodzera kuti kachiremo ikaka kanga kasara tigokasonerera pane zvipenga zvichangopfuura tigogona kuenderera mberi zvakanaka.

Nguva yedu yafamba zvekuti tasarirwa nekamukana kadiki kekuita gadziriro yebvunzo.

Muchikamu chino tinoda kupendera tichizadzisa zvakasara panyaya yekupatsanura nekubatanidzwa kwemazwi.

Tine nhengo dzemutauro dzakakosha dzinoti zvipauro (adjectives), zviverengi (enumeratives), zvisarudzi (selectors), zvitaridzi (demonstratives) kouya zvirevahuwandu (quantitatives). Nhengo dzemutauro idzi dzinonyorwa dzakamira dzega. Ndidzo dzinoburitsa mazwi madiki anozvimirira anoti uyo, idzva, imwe, iye, kana vamwe. Mazwi aya tinongoawana mukati mezvirevo asi akamira ega.

Kana pakava nekudzokorodzwa kwechisazita (pronoun) chipauro kana chitaridzi shoko racho rinonyorwa seizwi rimwe chete asi pasina kasungazwi. Ndimo matinokanda mazwi akaita sana dzvukudzvuku, pfupipfupi kana iwewe. Kana dzokorodzo iri yechiverengi, chisarudzi kana chirevahuwandu shoko rinonyorwa muzvikamu zviviri sezvizvi; vega vega, uye uye, mbiri mbiri kana chimwe chimwe. Zviito (verbs) zvese zvinonyorwa zvakamira sezwi rimwe chete sekuti bika, sakura, bereka kana nyora.

Chero chiito chine zvimwe zvivakazwi pedyo nazvo shoko racho rinongonyorwa sezwi rimwechete zvisinei kuti izwi racho rakareba sei. Muenzaniso wemazwi aya unosanganisira anoti vakararorima kana akafanomusakurira.

Kana chiito chikadzokorodzwa, chinonyorwa chakaparadzaniswa nechisungazwi (hyphen) sezvizvi; akamira-mira, kana anopinda-pinda.

Zviitogama (auxillary verbs) zvinonyorwa zvakamira zvega zvakaparadzana nezita kana chiito chiripedyo nazvo. Muenzaniso ndewekuti; Sekuru vane mota (vane) rinomira riri rega.

Namatidzwa dzese dzinonyorwa dzakabatana nezwi riri shure kwadzo sekuti kweteba, hauzivisu kana kuti uyazve.

Zvivakazwi zvinonyorwa zvakabatanidzwa nezwi riri mberi kwacho. Zvivakazwi ndizvo zviya zvinoti ne, dze, na, ndi. Zvivakazwi zvinonyorwa sei zvi; Anoshanda semvumba, Vakarohwa neshamhu, Akarara hope dzeumambo.

Nyaudzosingwi dzine muronga wadzoo wemanyorerwo. Kana nyaudzosingwi dzichidzokorodzwa dzinonyorwa dzakapatsanurwa semazwi akaparadzana. Hapadiwi kasungazwi pakupatsanura mazwi aya. Nyaudzosingwi dzakadzokorodzwa dzinonyorwa sezvizvi; tapa tapa, ware ware, godi godi kana mbera mbera.

Kana zvipauro zvapetwa kaviri kana kudzokorodzwa zvinonyorwa zvakabatanidzwa sokuti tinenge tiine chipauro chinoti murefu, chinobva chabatanidzwa kuti murefurefu kotiwo mutsvuku rinozoita mutsvukutsvuku.

Musiyano wemanyorerwo ezvipauro unouya kana totarisa zvipauro zvenhamba. Zvipauro zvenhamba kana zvapetwa kana kudzokorodzwa hazvizobatanidzwi asi kuti zvinonyorwa zvakapatsanurwa sezvizvi; vaviri vaviri, vana vana, vanomwe vanomwe.

Vavariro yechirongwa chino yanga iri pakuti tichitsvenenzvera zvese zvatakaunganidza kuitira kuti zvose zvatichanyora muupenyu hwedu zvigoratidza kuvhurika kwatakaita kubudikidza nedzidzo yatinowana kubva mutsvagurudzo. Tinoda kuti tigadzire hwaro hwakasimba hwechiShona chedu kuti chikwikwidzane nemimwe mitauro iyo inochiviwa nevechidiki yakafanana nechirungu kana mimwe mitauro inobva kune dzimwe nyika.

Tinoda zvakare kuti pese patichanyora zvinyorwa zveShona mhosho dzigoita shoma. Vakwenyi vebasa ngavashamisike nekuona basa rakaringana risina mhosho dzinopedza rudo rwekuramba zvichiverengwa. Ngatigadzirise zvese kubvira kuzviperengo chaiko nekubvisa musanganiswa tipepete tichibvisa hundi ingatadzisa kuti chiShona chedu chidzamewo nekutapira.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey