Nyaya yekusavimbika

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
2. TSANANGURA madingindira anowanikwa mumutambo Kereke Inofa. [25]

Muna Kereke Inofa mune dingindira rechitendero chechiKristu. Dingindira iri rinozadziswa naPastor Gift Mwenje vaitungamirira chechi yeRevelations, zvinoita kuti vazowana mukana wekupa Sarah avova nhengo yemuchechi pamuviri vaendesa murume wake, Zebra kune imwe chechi yavo kuUK. Dingindira iri rinojekeswa naPastor Mwenje vakanga vachivanziridza nekutya kuti chokwadi chekupa Sarah mwana kwavakaita chikazobuda pachena chaizovaparadzira kereke yavo yavakanga vazvitangira vega.

Rimwe dingindira riri mubhuku Kereke Inofa nderekusazvibata. Rinotsigirwa naPastor Mwenje naSarah vakanga vatadza kuzvibata kusvika pakudanana vari vanamati vekereke imwe chete uye vaine dzimba dzavo. Nyaya yekusazvibata iyi inoonekwa kuna Susan akanga atadza kuzvibata kusvika pakutorera Beauty mwana wemukoma wake, Sarah chikomba chainzi Dance Manyukunyuku.

Muna Kereke Inofa mune dingindira rekusavimbika. Rinozadziswa naBeauty akanga achidzidza paUZ asi achiita misikanzwa yekugara nechikomba chake Dance, baba vake, Zebra Nyundo vachifunga kuti aigara kuchikoro. Dingindira iri rinoburitswazve nachiremba Ayub Kanu vaishanda kuUK asi vasina kuvimbika pabasa ravo. Vanobatsira Pastor Mwenje kunyepera Mary kuti Sarah haana nhumbu nekuvanyorera matsamba ekuti vadzokere naye kuZimbabwe.

Imwe pfungwa yatinowana mumutambo uyu ndeyeruchiva. Pfungwa iyi inozadziswa naPastor Mwenje vakanga vashandisa chinzvimbo chavo chekutungamira kereke zvakaita kuti vazotanga kudanana naSarah aivachivawo. Nyaya yeruchiva inoonekwa kuna Beauty naSusan. Beauty anodanana naDance nekuti aive nemari yakawanda zvekuti paanotengerwa furati anobva abvuma kurara naye achiziva kuti aive nemukadzi wake zvakaita kuti azoguma atapurirwa chirwere cheshuramatongo. Susan amainini vaBeauty vanochivazve mari yaDance ndokudanana naye muchivande zvinoita kuti vazotapurirwawo chirwere cheshuramatongo.

Mubhuku iri munowanikwa dingindira rerudo rwechivande. Dingindira iri rinojekeswa naPastor Mwenje naSarah vanenge vachidanana zvekubiridzira vachitya kuzivikanwa naZebra murume waSarah, Mary mudzimai waPastor Mwenje uye nhengo dzekereke yeRevelations. Rinozadziswazve naBeauty anenge achidanana naDance asi asingade kuti amai nababa vake vazvizive kuti ndizvo zvaaiita. Zvimwe chete zvinoitwa naSusan anodanana naDance muchivande achida kuti Beauty asazvizive sezvo aive amutorera chikomba chake.

3. Tsanangura matambudziko mashanu anowira vatambi muna Kereke Inofa. [25]

Vatambi vanosangana nematambudziko ekutapurirwa chirwere cheshuramatongo. Izvi zvinobuda kuna Beauty naSusan pavanenge vari muchipatara cheWest End vasiri kuwirirana nezvechikomba chaBeauty chainzi Dance chaakanga atorerwa naSusan. Beauty anoudza Dance pafoni kuti aida kumusungisa nekuti akanga amuzadza chirwere cheshuramatongo. Susan anozoudzwa naBeauty kuti aive azadzwawo chirwere ichi naDance.

Mubhuku iri vatambi vanowirwa nematambudziko ekutukwa. Tinozviona kuna Peter Chimumumu anonyombwa naRose vagere mumba maZebra kuGlen View 7, zuva ratongwa nyaya yaSarah yekupiwa mwana naPastor Mwenje kunze kwemusha. Rose anomubvunza kuti akanga ari ani aida kugadzirisa matare epamba paZebra, achibva anzi zvimumumu zvaitaurawo chii chaaida kuvabatsira panyaya iyi, anobva abudamo atsamwa asina kana nekuzooneka.

Vatambi vanowanikwa mubhuku Kereke Inofa vanowirwa nematambudziko ekuparadzirwa dzimba. Izvi zvinoonekwa kuna Mary naZebra pavanoona Sarah mudzimai waZebra apiwa mwana naPastor Mwenje murume waMary vari muchipatara cheWest End muHarare. Zebra anobva abuda pachena kuti akanga asingachadi zvekuramba achigara naSarah saka aifanira kuenda kumba kwaPastor Mwenje vakanga vamupa mwana murudo rwechivande.

Mubhuku iri vatambi vanosangana nematambudziko ekufenda. Tinozviona kuna Zebra paanoenda kuchipatara cheWest End ndokuona Sarah ave nemwana waPastor Mwenje. Anonzwa kupera simba ndokupedzisira ave kuita seapererwa nemweya wekufema angofizuka nezvaaive aona. Anotora nguva refu akadaro opiwa mubhedha muchipatara chimwe chete ichi.

Vatambi vari mumutambo uyu vanosangana nematambudziko ekutorerwa chikomba. Izvi tinozviona kuna Beauty anoshungurudzika zvikuru ari mumupanda wairara vasikana kumba kwaZebra kuGlen View 7, atorerwa chikomba chake, Dance namainini vake, Susan zvinoita kuti vazotanga kurwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey