Nzizi dzangova jecha

05 Nov, 2023 - 13:11 0 Views
Nzizi dzangova jecha Makoronga ari kudhirikira achienda kune misha

Kwayedza

. . . misha yoparadzwa nemakoronga

Kingstone Mapupu

MAMBO Chiswiti – VaShort Kanzou – vekuMukumbura, kuMt Darwin, vanoti vari kushungurudzika zvakanyanya nekugukuravhu riri kuitika mudunhu ravo izvo zviri kuona nzizi dzichiparara nekuita makoronga ave kukura achienda kumisha zvichimanikidza vamwe vanhu kutama nekutadza kurima minda yavo.

Vanoti gukuravhu iri riri kukonzerwa nenzira dzekurima dzisina kunaka apo vamwe vanodyara mbesa mumakombe-kombe menzizi.

“Taita dambudziko rekufushirika kwenzizi dzedu nejecha uyewo nekuvepo kwemakoronga kunzvimbo zhinji dzemuno izvo zvakonzerwawo nekutemwa kwemiti nekurima mumahombekombe menzizi nekuda kwekutsvaga hunyoro sezvo kudunhu redu kusinganaye mvura yaakawanda. Izvi zvakonzera kuoma kwemadziva zvachitipa dambudziko rekushaya mvura yekushandisa pamwe chete neyezvipfuyo,” vanodaro Mambo Chiswiti.

Vanoti dzimba dzemimwe misha dzatarisana nekudhirika nekuda kwemakoronga anyanya kuve pedyo nemisha.

“Tine rwizi rwedu rukuru rwunonzi Nyautande rwunobva kuMavhuradonha rwuchinodira murwizi Mukumbura urwo rwunodarika nepakati pedunhu rangu, harusisina mvura nekuti madziva akapera kufushirwa nejecha,” vanodaro.

Mambo Chiswiti

Mambo Chiswiti vanoti kune vamwe vanhu vave kutotama misha yavo nekutyira kudhirika kwedzimba.

“Semuenzaniso, tine misha inoti Chibara neChimusisi iri kuKamutsenzere nemimwe yakakomberedza yatarisana nekudhirika nekuda kwekukura kuri kuita makoronga achibva murwizi Nyautande. Kunze kwekudhirika kwemisha, tatarisanawo nedambudziko rekuparara kweminda nemapindu nekuda kwemakoronga iwaya.”

Mambo ava vanotiwo rwizi rwaRiyongwe naMukumbura ndedzimwe dzenzizi dzapera kufushirwa nekuda kwejecha.

“Nekuda kwedambudziko iri, tiri kushanda nemapazi anosanganisira Agritex, EMA, veutano, makanzura nemasabhuku nevamwewo kuti dambudziko regukuravhu rigadziriswe. Zvave kuda kuti makoronga aya aiswe waya nekudyarwa miti kuti asarambe achienderera,” vanodaro Mambo Chiswiti.

VaTodious Mutemagawu (63), avo vanova mumiririri waSabhuku Chimusisi, vanoti kune mhuri dzinodarika shanu mumusha mavo dzakatotama apo makoronga aya aive asvika padzimba dzavo.

Vanoti nekuda kwemakoronga aya, mimwe migwagwa yava kudamburwa.

“Tinokumbira kuti dai tawana makambani ekuvaka anotakura jecha razara munzizi dzedu kuti madziva avhurike, isu nezvipfuyo tava kunwa mvura pamwe chete yemuzvibhorani,” vanodaro VaMutemagawu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey